Ezira 6:13-22
Ezira 6:13-22 SCLB
Tatenai zisadunhu renyika dzokuMhiri kwoRwizi rwaYufuratesi naShetari Bhozenai nevechikwata chavo vakanyatsoita naimomo chaimo makarehwa neshoko rakatumirwa naDhariusi. Izvozvo vakuru vakuru vevaJudha vainge vachivaka zvavo zvichibudirira nokuporofita kwomuporofita Hagai naZekariya mwanakomana waIdho. Vakapedza kuvaka imba yavo sezvakanga zvanzi zviitwe naMwari weIsiraeri uye maererano nechirevo chaSairosi naDhariusi naAtakizesesi mambo wePezhiya. Imba iyoyi yakapedzeswa pazuva rechitatu romwedzi waAdhari, muri mugore rechitanhatu rokutonga kwamambo Dhariusi. Vanhu veIsiraeri, vapristi nevaRevhi navamwe vose vokudzoka kuutapwa, vakaita zuva guru rokuteketerera kuna Mwari imba yaMwari iyi vachipembera kufara. Pakuteketerera imba yaMwari uku vakapira zana rehandira nehondohwe mazana maviri uye hwayana mazana mana pamwechete nomupiro wokupfupira zvitadzo zveIsiraeri yose zvayo wamakotora gumi namaviri zvichienderanawo nouwandu hwamadzinza avaIsiraeri. Vakabvawo varonga vapristi muzvikwata zvavo, vaRevhiwo namajana kuitira basa raMwari muJerusaremu sokunyorwa kwazvakaitwa muBhuku raMosesi. Pazuva regumi nechina romwedzi wokutanga, vokudzoka vaye vokumbenge vatamiswa vachiendeswa kusiri kwavo vakachengeta Pasika nokuti vapristi navaRevhi pamwechete vakanga vazvinatsa vose vava vanhu vakazvichenura. Saka vakazviurayira ivo pachavo hwayana yePasika navaye vokudzoka vaya vokumbotamisirwa kusi kwavo nevamwe vavo vapristi. Yakadyiwa navanhu vechiIsiraeri vakanga vadzoka kwavakanga vatamisirwa kusi kwavo pamwechete nomunhu wose akanga abatanawo navo achizvitsaura mune zvakan'ora zvavanhu vechirudzi vomunyika imomu kuitira kuti vazotsvaka Tenzi, Mwari weIsiraeri. Vakachengeta mazuva makuru echingwa chisina mbiriso kwemazuva manomwe vachifara nokuti Tenzi akanga avafadza kwazvo aitawo kuti mambo weAsiria apinduke mwoyo, uve kwavari avabatsire basa remba yaMwari, Mwari weIsiraeri.

