Ezekieri 2:2-10
Ezekieri 2:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akati achitaura, Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu, ndikamunzwa achitaura neni. Akati, “Mwanakomana womunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri, kurudzi runomukira irwo rwakandimukira; ivo namadzibaba avo vanga vachingondipandukira kusvikira zuva ranhasi. Vanhu vandinokutuma kwavari, vakavangarara uye vakasindimara. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha.’ Uye kunyange vakanzwa kana kuti vakaramba kunzwa, nokuti ivo imba inomukira, vachaziva kuti muprofita akanga ari pakati pavo. Uye iwe, mwanakomana womunhu, usavatya kana mashoko avo. Usatya, kunyange wakakombwa neminzwa norukato uye ugere pakati pezvinyavada. Usatya zvavanotaura kana kuvhundutswa navo, kunyange vari imba inomukira. Unofanira kutaura mashoko angu kwavari kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera, nokuti ivo vanondimukira. Asi iwe, mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza. Usandimukira sezvinoita imba iyo inondimukira; shama muromo wako udye zvandinokupa.” Ipapo ndakatarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri. Marwuri makanga mune gwaro, rakapetenurwa pamberi pangu. Rakanga rakanyorwa kumativi aro ose mashoko okuchema nokuungudza nenhamo.
Ezekieri 2:2-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akati achitaura neni, Mweya ndokupinda mukati mangu, akandimisa namakumbo angu; ndikanzwa akanga achitaura neni. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, ndinokutumira kuvana vaIsiraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; ivo namadzibaba avo vakandidarikira, kusvikira zuva ranhasi. Vana vane zviso zvisina kunyara nemwoyo mikukutu; ndinokutumira kwavari, iwe uti kwavari, zvanzi naIshe Jehovha. ‘Zvino ivo, kana vachida kunzwa, kana vasingadi nokuti ivo iimba inondimukira simba, vachaziva kuti muporofita akanga aripo pakati pavo.’ “Asi iwe, mwanakomana womunhu, usavatya ivo, usatya mashoko awo, kunyange uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati pezvinyavada; usatya mashoko avo, usavhunduswa nezviso zvavo, nokuti ivo iimba inondimukira simba. Asi iwe unofanira kuvaudza mashoko angu, kana vachida kunzwa, kana vasingadi; nokuti vanondimukira simba kwazvo. “Asi iwe, Mwanakomana womunhu, teerera zvandinokuudza; usandimukira simba, sezvinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye zvandichakupa.” Zvino ndakati ndichitarira, ndikaona ruoko rwakatambanudzirwa kwandiri; tarira, bhuku yakapetwa yakanga irimo; akaipetenura pamberi pangu; yakanga yakanyorwa mukati nokunze, makanga makanyorwa mariro, nokuchema, nenhamo.
Ezekieri 2:2-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Paakataura kwandiri, Mweya wakapinda mandiri akandisimudza ndikamira namakumbo angu ndikamunzwa achitaura kwandiri. Akati kwandiri, “Iwe mwanakomana womunhu ndinokutuma kuvanhu veIsiraeri, kurudzi rwemhandupandu dzavanhu vakandipandukira. Ivo namadzibaba avo vagara vari vanhu vokundipandukira kusvikira pari nhasi. Vanhu vakaoma musoro; ndambakuudzwa dzavanhu, ndavakukutuma kwavari undovataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari ‘Vangarege kuteerera pamusana pokuti vanhu ivava vanhu vakapanduka. Vangateerere kana kuti vachaziva kuti panga pane muporofita pakati pavo.’ Iwe mwnakomana womunhu usavatye kana kutya zvavanotaura, kunyange zvazvo kwauri vari rukato neminzwa sokunge ugere pamusoro pamarize usatye zvavanotaura kana kutyiswa nokutarisika kwavo nokuti imba yakapanduka. Uchandovataurira mazwi angu kunyange vakateerera kana kuti vakaramba kuteerera nokuti imba yakapanduka. Asi iwe mwanakomana womunhu teerera zvandinokutaurira, usapanduke semba iyi yakapanduka, shama muromo wako udye chandinokupa. Ndakati tarisei, onei ruoko rwakanga rwatambanudzwa kwandiri, wonei muruoko macho maiva nebhuku rokumononora rakanyorwa. Akaritambanudza pamberi pangu; raiva rakanyorwa seri neseri. Mariri makanga makanyorwa mazwi okuchema nokuungudza nokuyambira.”
Ezekieri 2:2-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakati acitaura neni, Mŋeya ndokupinda mukati maŋgu, akandimisa namakumbo aŋgu; ndikanzwa wakaŋga acitaura neni. Iye akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, ndinokutumira kuʋana ʋaIsraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; iʋo namadziɓaɓa aʋo ʋakandiɗarikira, kuȿikira zuʋa ranhasi. Ʋana ʋaneɀiso ɀisinokunyara nemŋoyo mikukutu; ndinokutumira kwaʋari, iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova. Ɀino iʋo, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi (nokuti iʋo iimba inondimukira simba), ʋacaziʋa kuti muprofita wakaŋga ari’po pakati paʋo. Asi iwe, mŋanakomana womunhu, usaʋatya iʋo, usatya mashoko aʋo, kunyaŋge uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati peɀinyaʋaɗa; usatya mashoko aʋo, usavunduswa neɀiso ɀaʋo, nokuti iʋo iimba inondimukira simba. Asi iwe unofanira kuʋaʋudza mashoko aŋgu, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi; nokuti ʋanondimukira simba kwaɀo. Asi iwe, mŋanakomana womunhu, terera ɀandinokuʋudza; usandimukira simba, seɀinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye ɀandicakupa. Ɀino ndakati ndicitarira, ndikaʋona ruʋoko rwakatambanudzirwa kwandiri; tarira, buku yakapetwa yakaŋga iri’mo; akaipetenura pamberi paŋgu; yakaŋga yakanyorwa mukati nokunze, makaŋga makanyorwa mariro, nokucema, nenhamo.
Ezekieri 2:2-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)