Ɀino wakati acitaura neni, Mŋeya ndokupinda mukati maŋgu, akandimisa namakumbo aŋgu; ndikanzwa wakaŋga acitaura neni. Iye akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, ndinokutumira kuʋana ʋaIsraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; iʋo namadziɓaɓa aʋo ʋakandiɗarikira, kuȿikira zuʋa ranhasi. Ʋana ʋaneɀiso ɀisinokunyara nemŋoyo mikukutu; ndinokutumira kwaʋari, iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova. Ɀino iʋo, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi (nokuti iʋo iimba inondimukira simba), ʋacaziʋa kuti muprofita wakaŋga ari’po pakati paʋo. Asi iwe, mŋanakomana womunhu, usaʋatya iʋo, usatya mashoko aʋo, kunyaŋge uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati peɀinyaʋaɗa; usatya mashoko aʋo, usavunduswa neɀiso ɀaʋo, nokuti iʋo iimba inondimukira simba. Asi iwe unofanira kuʋaʋudza mashoko aŋgu, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi; nokuti ʋanondimukira simba kwaɀo. Asi iwe, mŋanakomana womunhu, terera ɀandinokuʋudza; usandimukira simba, seɀinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye ɀandicakupa. Ɀino ndakati ndicitarira, ndikaʋona ruʋoko rwakatambanudzirwa kwandiri; tarira, buku yakapetwa yakaŋga iri’mo; akaipetenura pamberi paŋgu; yakaŋga yakanyorwa mukati nokunze, makaŋga makanyorwa mariro, nokucema, nenhamo.