Ezekieri 12:28 - Compare All Versions
Ezekieri 12:28 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna shoko rangu richanonokazve; zvose zvandinoreva zvichazadzisika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Ezekieri 12:28 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, hakuna shoko rimwe ramashoko angu richazononoka, asi shoko randichataura richaitika,’ ” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Ezekieri 12:28 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Naizvozvo chivataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari hapana chandichataura chichambononoka. Chandinenge ndataura chichabva chaitika,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Ezekieri 12:28 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Naiɀoɀo uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Hakuneshoko rimŋe ramashoko aŋgu ricazononoswa, asi shoko randicataura ricaitika — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Ezekieri 12:28 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo chivataurira kuti, zvanzi naTenzi Mwari hapana chandichataura chichambononoka. Chandinenge ndataura chichabva chaitika,” ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.