Ekisodho 9:25 - Compare All Versions
Ekisodho 9:25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munyika yose yeIjipiti, chimvuramabwe chakarova zvinhu zvose zvakanga zviri musango, zvose vanhu nezvipfuwo; chakarovera pasi zvose zvaimera musango ndokuparadza miti yose.
Ekisodho 9:25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeIjipiti; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango.
Ekisodho 9:25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Cimvuramabge cikaroʋa ɀose ɀakaŋga ɀiri kusaŋgo, ʋanhu neɀipfuwo, panyika yose yeEgipita; cimvuramabge cikaroʋa miriʋo yose yeminda, cikavuna miti yose yesaŋgo.
Ekisodho 9:25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chivhuramahwe chakarova munyika yose yeIjipiti. Chakarova zvinhu zvose zvaiva kumafuro, vanhu nezvipfuwo nezvirimwa zvose muminda nokutyoranisa miti yose musango.
Ekisodho 9:25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Chivhuramahwe chakarova munyika yose yeIjipiti. Chakarova zvinhu zvose zvaiva kumafuro, vanhu nezvipfuwo nezvirimwa zvose muminda nokutyoranisa miti yose musango.