Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 8:1-19 - Compare All Versions

Ekisodho 8:1-19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro undoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata. Kana ukaramba kuti vaende, ndichatambudza nyika yako yose namatatya. Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye nomuzvoto zvako nepokukanyira chingwa. Matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako napamusoro pamachinda ako ose.’ ” Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’ ” Saka Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akauya akafukidza nyika. Asi nʼanga dzakaitawo zvimwe chetezvo nouroyi hwadzo; vakaitawo matatya kuti auye pamusoro penyika yeIjipiti. Faro akadana Mozisi naAroni akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya aya kwandiri uye nokuvanhu vangu, uye ini ndichatendera vanhu venyu kuti vaende kundobayira zvipiriso kuna Jehovha.” Mozisi akati kuna Faro, “Ndinopa ruremekedzo kwamuri kuti mureve nguva yokuti ndikunyengetererei imi navaranda venyu uye navanhu venyu kuti imi nedzimba dzenyu mubvisirwe matatya, kuti asare muna Nairi chete.” Faro akati, “Mangwana.” Mozisi akapindura akati, “Zvichaitika sezvamareva, kuitira kuti mugoziva kuti hakuna mumwe akaita saJehovha Mwari wedu. Matatya achabva kwamuri nomudzimba dzenyu, kumachinda enyu nokuvanhu venyu; achasara muna Nairi chete.” Ipapo Mozisi naAroni vakabva pana Faro, Mozisi akadana kuna Jehovha pamusoro pamatatya aakanga auyisa kuna Faro. Uye Jehovha akaita zvakanga zvakumbirwa naMozisi. Matatya akafa mudzimba, nomuruvazhe uye nomuminda. Akaunganidzwa akaita mirwi uye nyika yakanhuhwa nokuda kwawo. Asi Faro akati aona kuti rusununguko rwakanga rwavapo, akaomesa mwoyo wake uye akasada kuteerera Mozisi naAroni, sezvakanga zvarehwa naJehovha. Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza tsvimbo yako ugorova guruva revhu,’ uye munyika yose yeIjipiti, guruva richava umhutu.” Vakaita izvozvo uye Aroni akati atambanudza ruoko rwaiva netsvimbo akarova guruva umhutu hukauya pamusoro pavanhu nezvipfuwo. Guruva rose munyika yose yeIjipiti rakava umhutu. Asi nʼanga dzakakundikana, padzakaedza nouroyi hwadzo kubudisa umhutu. Nʼanga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 8 BDSC

Ekisodho 8:1-19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.’ Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya; rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhoo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya; matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.” Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.’ ” Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti. N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti. Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.” Mosesi akati kuna Farao, “Imi mukudzwe kupfuura ini! Ndokunyengetererai nguva ipi, imi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?” Iye akati, “Mangwana.” Akati, “Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu. Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.” Mosesi naAroni vakabuda muna Farao, Mosesi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao. Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMosesi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa. Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa. Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa mwoyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha. Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika yeIjipiti.’ ” Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose yeIjipiti. N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo. Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 8 SNA2002

Ekisodho 8:1-19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Pinda kunaFarao, uti kwaari: Ɀanzi naJehova: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandondinamata. Kana ukaramba kuʋatendera, tarira, ndicaroʋa nyika yako yose namataca; rwizi rucazara kwaɀo namataca; acakwira, acipinda mumba mako, nomuimba yako yokuʋata, napanhoʋo dzako, nomudzimba dzaʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, nomuɀoto ɀako, nomumidziyo yako momunokanyira ɀokudya; mataca acakwira pamsoro pako napamsoro paʋanhu ʋako, napamsoro paʋaranda ʋako ʋose. Jehova akati kunaMosesi: Iti kunaAroni: Tambanudzira ruʋoko rwako rwakaɓata tȿimbo yako pamsoro penzizi, napamsoro pehoʋa, napamsoro pamadziʋa, uraire mataca kuti akwire panyika yeEgipita. Ipapo Aroni akatambanudzira ruʋoko rwake pamsoro pemvura yeEgipita, mataca akakwira, akafukidza nyika yeEgipita. Ŋaŋga dzikaita saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo dzikaraira mataca, kuti akwire panyika yeEgipita. Ɀino Farao akaɗana Mosesi naAroni, akati: Nyeŋgeterai kunaJehova kuti abvise mataca kwandiri nokuʋanhu ʋaŋgu, nditendere ʋanhu kuenda kundoɓayira Jehova. Mosesi akati kunaFarao: Imi mukudzwe kupfuʋure’ni! Ndokunyeŋgetererai ŋguʋa ipi, imi naʋaranda ʋenyu, naʋanhu ʋenyu, kuti mataca aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi ɓedzi? Iye akati: Maŋgwana. Akati: Ɀicaitwa seɀamareʋa; kuti muziʋe kuti hakunomumŋe wakafanana naJehova, Mŋari weɗu. Mataca acabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuʋaranda ʋenyu, nokuʋanhu ʋenyu; acasara murwizi ɓedzi. Mosesi naAroni ʋakaɓuɗa munaFarao, Mosesi akaɗana kunaJehova nokuɗa kwamataca aakaŋga atuma kunaFarao. Jehova akaita seɀakaŋga ɀarebga naMosesi, mataca akafa mudzimba nomuʋazhe nokuruwa. Ʋakaaʋuŋganidza, ʋakaaita mirwi, nyika ikanhuwa. Ɀino Farao wakati aciʋona kuti ɀaʋa ɀirinani, akawomesa mŋoyo wake, akasaʋaterera; seɀakaŋga ɀarebga naJehova. Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Iti kunaAroni: Tambanudza tȿimbo yako, uroʋe guruʋa rapasi, rishanduke ʋutuŋga panyika yose yeEgipita. Ʋakaita saiɀoɀo; Aroni akatambanudza ruʋoko rwake rwakaɓata tȿimbo yake, akaroʋa guruʋa rapasi, ʋutuŋga ʋukaʋa’po paʋanhu napaɀipfuwo; guruʋa rose rapasi rikashanduka ʋutuŋga panyika yose yeEgipita. Ŋaŋga dzikaita saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo kuti dziɓuɗise ʋutuŋga, asi hadzina‐kugona; ʋutuŋga bgakaŋga ʋuri paʋanhu napaɀipfuwo. Ɀino ŋaŋga dzakati kunaFarao: Munwe waMŋari; asi mŋoyo waFarao wakawomeswa, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 8 SUB1949

Ekisodho 8:1-19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Tenzi ndokubva ataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao undoti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. Chinzwa, kana ukavarambidza kuenda, ndichapa nyika ino dambudziko rebvakanyira ramatafi. Nairi urwu ruchazara kuti shutu namatafi. Achabudamo achindopinda mumba mako nomumba mako mokuvata, napamubhedha wako nomudzimba dzamachinda ako nedzavanhu vako nemaunokanyira zvingwa nemaunozvibikira. Matafi achakwakukira pauri iwe napavanhu vako napamachinda ako ose.’ ” Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira tsvimbo yako pamusoro penzizi nemigero namadziva kuti matafi auye panyika yeIjipiti.’ ” Naizvozvo Aroni akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro pemvura yeIjipiti, matafi akabuda akabva aita bvakapfaka kuzara nyika yeIjipiti yose. Asi n'anga dzakaitawo izvozvo namashiripiti adzo dzikaburitsa matafi mumvura akaenda munyika yeIjipiti. Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Ndikumbirireiwo kuna Tenzi kuti andibvisirewo zvangu ini navanhu vangu, matafi aya, ini ndigobvumidzawo vaIsiraeri kundopira zvavo Tenzi chibayiro.” Mosesi akataurira Farao achiti, “Ndichaita zvamareva. Ko ndokunamatirai rini, imi namachinda enyu navanhu venyu kuti mubvisirwe matafi, abve mudzimba dzenyu, asare muna Nairi chete?” Iye ndokuti, “Ita izvozvo mangwana!” Mosesi akati, “Tichaita saizvozvo. Ndipo pamuchazoziva kuti hakuna mumwe mwari angafananidzwe naTenzi, Mwari wedu. Matafi achabviswa kwamuri. Achabviswa mudzimba dzenyu, nedzamachinda enyu nedzavanhu venyu. Achangosara muna Nairi chete.” Mosesi naAroni vakabva pana Farao paya. Mosesi akachema kuna Tenzi sokubvumirana kwaakanga aita naFarao achimukumbira kuti abvise matafi aakanga aunza kuna Farao. Tenzi akaita zvakanga zvakumbirwa naMosesi. Matafi akapera kufa mudzimba nomuzvivanze nomuminda. VaIjipiti vakaaunganidza vachiita matutu matutu, nyika ikati kutu kunhuhwa. Sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi, Farao paakaona kuti dambudziko iri rapera, akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti Aroni atambanudze tsvimbo yake arove nayo pasi patibuke guruva rive umhutu munyika yose yeIjipiti.” Vakaita saizvozvo. Aroni akatambanudza ruoko rwake rwaiva netsvimbo yake ndokurova ivhu pasi, umhutu hukati uya tiende pavanhu nemhuka. Guruva rose rakanga rava umhutu munyika yose yeIjipiti. N'anga dzakaita mashiripiti adzo. Dzakaedzawo kuita umhutu dzikatadza. Umhutu ihwohwo hwaiva pose pose huchimomotera vanhu nezvipfuwo. N'anga idzi dzakanyevera Farao dzichiti, “Changamire, Mwari bedzi ndiye aita izvi.” Sokureva kwakanga kwaitwa naTenzi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 8 SCLB

Ekisodho 8:1-19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ekisodho 8 SCLBD