Kubuda 8:1-19
Kubuda 8:1-19 SCLBD
Tenzi ndokubva ataurira Mosesi achiti, “Enda kuna Farao undoti zvanzi naTenzi, ‘Rega vanhu vangu vaende vandondinamata. Chinzwa, kana ukavarambidza kuenda, ndichapa nyika ino dambudziko rebvakanyira ramatafi. Nairi urwu ruchazara kuti shutu namatafi. Achabudamo achindopinda mumba mako nomumba mako mokuvata, napamubhedha wako nomudzimba dzamachinda ako nedzavanhu vako nemaunokanyira zvingwa nemaunozvibikira. Matafi achakwakukira pauri iwe napavanhu vako napamachinda ako ose.’ ” Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira tsvimbo yako pamusoro penzizi nemigero namadziva kuti matafi auye panyika yeIjipiti.’ ” Naizvozvo Aroni akatambanudzira tsvimbo yake pamusoro pemvura yeIjipiti, matafi akabuda akabva aita bvakapfaka kuzara nyika yeIjipiti yose. Asi n'anga dzakaitawo izvozvo namashiripiti adzo dzikaburitsa matafi mumvura akaenda munyika yeIjipiti. Farao akadaidza Mosesi naAroni akati, “Ndikumbirireiwo kuna Tenzi kuti andibvisirewo zvangu ini navanhu vangu, matafi aya, ini ndigobvumidzawo vaIsiraeri kundopira zvavo Tenzi chibayiro.” Mosesi akataurira Farao achiti, “Ndichaita zvamareva. Ko ndokunamatirai rini, imi namachinda enyu navanhu venyu kuti mubvisirwe matafi, abve mudzimba dzenyu, asare muna Nairi chete?” Iye ndokuti, “Ita izvozvo mangwana!” Mosesi akati, “Tichaita saizvozvo. Ndipo pamuchazoziva kuti hakuna mumwe mwari angafananidzwe naTenzi, Mwari wedu. Matafi achabviswa kwamuri. Achabviswa mudzimba dzenyu, nedzamachinda enyu nedzavanhu venyu. Achangosara muna Nairi chete.” Mosesi naAroni vakabva pana Farao paya. Mosesi akachema kuna Tenzi sokubvumirana kwaakanga aita naFarao achimukumbira kuti abvise matafi aakanga aunza kuna Farao. Tenzi akaita zvakanga zvakumbirwa naMosesi. Matafi akapera kufa mudzimba nomuzvivanze nomuminda. VaIjipiti vakaaunganidza vachiita matutu matutu, nyika ikati kutu kunhuhwa. Sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi, Farao paakaona kuti dambudziko iri rapera, akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni. Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Iti Aroni atambanudze tsvimbo yake arove nayo pasi patibuke guruva rive umhutu munyika yose yeIjipiti.” Vakaita saizvozvo. Aroni akatambanudza ruoko rwake rwaiva netsvimbo yake ndokurova ivhu pasi, umhutu hukati uya tiende pavanhu nemhuka. Guruva rose rakanga rava umhutu munyika yose yeIjipiti. N'anga dzakaita mashiripiti adzo. Dzakaedzawo kuita umhutu dzikatadza. Umhutu ihwohwo hwaiva pose pose huchimomotera vanhu nezvipfuwo. N'anga idzi dzakanyevera Farao dzichiti, “Changamire, Mwari bedzi ndiye aita izvi.” Sokureva kwakanga kwaitwa naTenzi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni.

