Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 3:13-14 - Compare All Versions

Ekisodho 3:13-14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mozisi akati kuna Mwari, “Ko, kana ndikaenda kuvaIsraeri uye ndikanoti kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri,’ uye ivo vakandibvunza kuti, ‘Zita rake ndiani?’ ipapo ndichavaudzeiko?” Mwari akati kuna Mozisi, “NDIRI WANDIRI. Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuvaIsraeri: ‘NDIRI’ andituma kwamuri.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 3 BDSC

Ekisodho 3:13-14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?” Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 3 SNA2002

Ekisodho 3:13-14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 3 SCLBD

Ekisodho 3:13-14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo Mosesi akati kunaMŋari: Tarirai, kana ndikaȿika kuʋana ʋaIsraeri, ndikati kwaʋari: Mŋari wamadziɓaɓa enyu wakandituma kwamuri, iʋo ʋakati kwandiri: Ko zita rake ndiani? ndicatiyi kwaʋari? Mŋari akati kunaMosesi: NDICAƲA IYE WANDICAƲA. Akati: Undoti kuʋana ʋaIsraeri: NDICAƲA ndiye wakandituma kwamuri.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 3 SUB1949

Ekisodho 3:13-14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 3 SCLB