Kubuda 3:13-14
Kubuda 3:13-14 SCLBD
Mosesi ndokuti kuna Mwari, “Hongu kuenda kuvaIsiraeri ndingaende zvangu ndichisvikovaudza kuti Mwari wamadzibaba enyu andituma kwamuri. Ko vakandibvunza kuti, ‘Zita raMwari iyeyo ndiani?’ Ndichavapindura ndichiti kudii?” Mwari akapindura Mosesi achiti, “Ndiri iye wandiri. Unofanira kutaurira vaIsiraeri kuti, ndiri ndiye andituma kwamuri.”


