Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ekisodho 16:2-3 - Compare All Versions

Ekisodho 16:2-3 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni. VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 16 BDSC

Ekisodho 16:2-3 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; vana vaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 16 SNA2002

Ekisodho 16:2-3 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Vari murenje imomo, mhomho yose yavaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni ichiti, “Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 16 SCLBD

Ekisodho 16:2-3 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋuŋgano yose yaʋaIsraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; ʋana ʋaIsraeri ʋakati kwaʋari: Tiŋgaɗai takafira heɗu munyika yeEgipita noruʋoko rwaJehova, tigere heɗu pahari dzenyama, ticidya ɀiŋgwa ticiguta; nokuti matiɓuɗisira kurenje iri, kuti muʋuraye ʋuŋgano iyi yose nenzara.

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 16 SUB1949

Ekisodho 16:2-3 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Vari murenje imomo, mhomho yose yavaIsiraeri yakapopotera Mosesi naAroni ichiti, “Dai Tenzi akatiuraya hake tichiri kuIjipiti kwataiita zvedu mabhodho enyama okupfachura, chingwa tichidya zvedu pataidira. Hezvi makatiunza murenje muno kuzotiurayisa zvenyu isu tose nenzara.”

Pakurirana nevamwe
Ekisodho 16 SCLB