Ekisodho 16:2-3
Ekisodho 16:2-3 SNA2002
Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; vana vaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.”


