Muparidzi 5:18
Muparidzi 5:18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo ndakaziva kuti zvakanaka uye zvakafanira kuti munhu adye uye anwe, uye kuti azviwanire kugutsikana mukushanda kwake kwaakabata pasi pezuva pamazuva ake mashoma oupenyu aakapiwa naMwari, nokuti uyu ndiwo mugove wake.
Muparidzi 5:18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, zvandakaona kuti zvakanaka, zvinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose kwaanobata pasi pezuva, mazuva ose oupenyu hwake hwaakapiwa naMwari; nokuti ndiwo mugove wake.
Muparidzi 5:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandakazoona zvangu kuti chinhu chakanaka uye chinokodzera ndechokuti munhu adye zvake achinwa achifara zvichibva pabasa raanoshingairira kuita pasi pedenga mazuva mashoma oupenyu hwake aakapiwa naMwari nokuti iwoyu ndiwo mugovewo wake.
Muparidzi 5:18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, ɀandakaʋona kuti ɀakanaka, ɀinofanira munhu, ndiko kuti adye, anwe, afarire ɀinhu ɀakanaka pakuɓata kwake kwose kwaanoɓata pasi pezuʋa, mazuʋa ose oʋupenyu bgake bgaakapiwa naMŋari; nokuti ndiwo mugoʋe wake.
Muparidzi 5:18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)