Dhanieri 6:19-23
Dhanieri 6:19-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva dzamambakwedza, mambo akamuka akamhanyira kugomba reshumba. Akati aswedera pagomba, akadanidzira kuna Dhanieri nenzwi rokuchema achiti, “Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako, iye waunoshumira nguva dzose, agona kukurwira pamuromo weshumba here?” Dhanieri akapindura akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba. Hadzina kundikuvadza, nokuti ndakawanikwa ndisina mhosva pamberi pake. Uye handina kumboita chinhu chakaipa pamberi penyu, imi mambo.” Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.
Dhanieri 6:19-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Akati achiswedera kugomba kuna Dhanieri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?” Ipapo Dhanieri akati kuna mambo, “Imi mambo, raramai nokusingaperi. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita.” Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanieri mugomba. Naizvozvo Dhanieri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.
Dhanieri 6:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino nguva yamambakwedza mambo akamuka akaenda achikurumidza kugomba reshumba. Paakasvika pedyo negomba reshumba maiva naDhanieri, akadaidzira nezwi rairatidza kurwadziwa mwoyo achiti kuna Dhanieri, “Nhai Dhanieri muranda waMwari mupenyu! Ko iye Mwari wako waunodai kunamata nguva dzose akwanisa here kukununura kushumba?” Dhanieri ndokudaira kuna mambo achiti, “Mambo! Garirai kure nomoto! Mwari wangu akatuma mutumwa wake akabva azarira shumba idzi muromo. Nezvo hadzina kundikuvadza nokuti zvakaonekwa kuti hapana chandakamutadzira kana chandakatadzira imimi mambo.” Mambo ndipo paakazopembera nokufara akati Dhanieri ngaaburitswe mugomba imomo. Saizvozvowo Dhanieri akaburitswa mugomba muya akawanikwa asina kana kumbokuvadzwa zvake pamusana pokuti akavimba naMwari wake.
Dhanieri 6:19-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mambo akafumirisa kwaɀo maŋgwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Wakati acisweɗera kugomba kunaDanieri, akaɗana nenzwi rokucema; mambo akataura, akati kunaDanieri: Nhai Danieri, iwe muranda waMŋari mupenyu, Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, unesimba rokukurwira pashumba here? Ipapo Danieri akati kunamambo: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita. Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake.
Dhanieri 6:19-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)