Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Danieri 6:19-23

Danieri 6:19-23 SUB1949

Ɀino mambo akafumirisa kwaɀo maŋgwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba. Wakati acisweɗera kugomba kunaDanieri, akaɗana nenzwi rokucema; mambo akataura, akati kunaDanieri: Nhai Danieri, iwe muranda waMŋari mupenyu, Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, unesimba rokukurwira pashumba here? Ipapo Danieri akati kunamambo: Imi mambo, raramai nokusiŋgaperi. Mŋari waŋgu wakatuma mutumŋa wake, akadziʋira miromo yeshumba, dzikasandikuʋadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handinemhoȿa, napamberi penyu ʋo, imi mambo, hakune‐cakaipa candakaita. Ipapo mambo akafara ɀikuru kwaɀo, akaraira kuti ʋaɓuɗise Danieri mugomba. Naiɀoɀo Danieri wakaɓuɗiswa mugomba, ʋakashaiwa cose paakakuʋadzwa, nokuti wakaŋga aʋimba naMŋari wake.

Verenga chikamu Danieri 6