Dhanieri 6:13-18
Dhanieri 6:13-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo vakati kuna mambo, “Dhanieri, mumwe wavakatapwa vakabva Judha, haakuteererei, imi mambo, kana kuchirevo chamakatema norunyoro rwenyu. Achiri kunyengetera katatu pazuva.” Mambo akati anzwa izvi, akatambudzika zvikuru; akanga achida kurwira Dhanieri uye akaedza nzira dzose dzokumuponesa kusvikira kwadoka. Ipapo varume vakaenda vose pamwe chete kuna mambo vakati kwaari, “Rangarirai imi mambo, kuti maererano nomurayiro wavaMedhia navaPezhia, hakuna chirevo kana mutemo unopiwa namambo unogona kushandurwa.” Saka mambo akarayira, akauyisa Dhanieri ndokumukanda mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Mwari wako, waunoramba uchishumira, ngaakurwire!” Vakauyisa ibwe vakariisa pamusoro pomuromo wegomba, mambo ndokurisimbisa nechisimbiso chake uye nezvisimbiso zvamakurukota ake, kuitira kuti mamiriro aDhanieri arege kushandurwa. Ipapo mambo akadzokera kumuzinda wake akavata usiku hwose asina kudya uye hakuna chinhu chipi chaivaraidza chakauyiswa kwaari. Uye akashayiwa hope.

Dhanieri 6:13-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, “Uya Dhanieri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.” Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanieri; akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira. Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, “Zivai imi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi.” Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanieri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.” Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanieri chingashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Dhanieri 6:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ivo ndokuti kuna mambo, “Dhanieri uya mumwe wenhapwa dzakatapwa kwaJudha, haambokendenga zvake nezvenyu imi mambo kunyange icho chirevo chamasaina. Asi anotoita munamato wake rutatu pazuva.” Mashoko iwaya paakasvika munzeve dzamambo kudaro zvakamushungurudza mwoyo akafunga zvokununura Dhanieri. Akashanda kwazvo kusvikira zuva radoka achida kumununura. Varume ivava vakarangana kuenda kuna mambo vakati kwaari, “Chizivai mambo kuti, mutemo wavaMidhi navaPezhia wokuti: Hakuna chirevo kana murao unenge wasainwa namambo unozoshandurwa.” Ipapo mambo akati atorwe, Dhanieri akatorwa akakandwa mugomba reshumba. Mambo akati kuna Dhanieri, “Dai iye Mwari wako waunoramba uchinamata angokununura.” Pakaunzwa ibwe rikanzi gwibha pamuromo wegomba iroro. Mambo akazvitsinhira neringi rake rechidhindho nemaringiwo ezvidhindho amadzishe ake zvichiitirwa kunzi parege kumbova zvapo nechinosandurwa nezvaDhanieri. Mambo akaenda kumuzinda kwake akararirotsanya usiku ihwohwo zvokumbomuvaraidza zviya pasina, hope dzikamutiza.
Dhanieri 6:13-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakapindura, ʋakati pamberi pamambo: Uya Danieri waʋana ʋaJuda ʋakatapxa, haane‐hanya nemi, imi mambo, kana necireʋo camakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu nezuʋa. Ɀino mambo wakati acinzwa mashoko iwayo, akatsamŋa kwaɀo, akafuŋga mano pamŋoyo pake okurwira Danieri; akatambudzika kuȿikira zuʋa riciʋira aciidza kumurwira. Ipapo ʋarume aʋa ʋakaʋuŋganira kunamambo ʋari ʋazhinji, ʋakati kunamambo: Ziʋai imi mambo, kuti ndiwo murairo waʋaMedia naʋaPersia, kuti cireʋo cipi necipi kana murau upi noupi wakatemŋa namambo, haɀiŋgashandurwi. Ipapo mambo wakaraira, ʋakaʋuya naDanieri ʋakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kunaDanieri: Mŋari wako waunosishumira ŋguʋa dzose, ucakurwira. Ibge rikaʋuyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa necindori cake ʋuye necindori camadzishe ake; kuti kurege kuʋa necinhu cimŋe pamsoro paDanieri ciŋgashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake yoʋushe, akaʋata aciɀinyima ɀokudya; kunyaŋge neɀinoridzwa ɀipi neɀipi haɀina‐kuʋuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
Dhanieri 6:13-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)