Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Dhanieri 6:13-18

Dhanieri 6:13-18 SNA2002

Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, “Uya Dhanieri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva.” Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanieri; akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira. Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, “Zivai imi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi.” Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanieri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanieri, “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira.” Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanieri chingashandurwa. Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.

Verenga chikamu Dhanieri 6