Amosi 4:13
Amosi 4:13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iye anoita makomo, ndiye anosika mhepo, ndiyezve anozivisa pfungwa dzake kumunhu, Iye anoshandura mangwanani akava rima, anotsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika, Jehovha Mwari Wamasimba Ose ndiro zita rake.
Amosi 4:13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake.
Amosi 4:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodaro nokuti iye anoumba makomo anosikawo mhepo, iye anozivisa munhu zvaaronga mumwoyo make, iye anoita kuti kusvibe iwo achiri mangwanani zvawo achinyatsotsika zvake chaimo makakwirira menyika, zita rake ndiYahweh, Mwari wehondo nehondo.
Amosi 4:13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti tarirai, iye, unoʋumba makomo, unosika mhepo, unoziʋisa munhu ɀiri mumuraŋgariro wake, unoshandura maŋgwanani rikaʋa rima, unotsika panɀimbo dzenyika dzakakwirira, Jehova Mŋari wehondo, ndiro zita rake.
Amosi 4:13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)