Amosi 3:12-15
Amosi 3:12-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha: “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba mapfupa maviri amakumbo chete kana chipandi chenzeve, vaIsraeri vachaponeswa saizvozvowo, avo vanogara muSamaria pamicheto yemibhedha yavo, nomuDhamasiko pazvigaro zvavo.” “Inzwai izvi, mugopupura pamusoro peimba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari Wamasimba Ose. “Pazuva randicharanga Israeri nokuda kwezvivi zvayo, ndichaparadza aritari dzeBheteri; nyanga dzearitari dzichaparadzwa uye dzichawira pasi. Ndichaparadza imba yenguva yechando, pamwe chete neimba yenguva yechirimo; dzimba dzakashongedzwa nenyanga dzenzou dzichaparadzwa uye dzimba huru dzichaparadzwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 3:12-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, “Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana vaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha. Inzwa, mupupurire imba yaJakobho,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari wehondo. “Nokuti nezuva randicharova Isiraeri pamusoro pokudarika kwavo, ndicharovawo maaritari eBhetieri; nyanga dzearitari dzichagurwa nokuwira pasi. Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzezhizha; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Amosi 3:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Saka zvanzi naTENZI, “Sokununura kunoita mufudzi mukanwa meshumba, makumbo zvawo maviri echipfuwo kana kuti kadimbu kenzeve, ndozvichangoitwawo vanhu veIsiraeri vanogara muSamaria vachinunurwa vari pakakona kesofa kana pachidimbu chomubhedha. “Chinzwa, uzivise vemba yaJakobho,” ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari, Mwari wehondo nehondo, “Kuti pazuva randicharangira Isiraeri kutadza kwayo, ndichavinga atari dzeBhetieri, zvinenge nyanga zvapaatari yacho zvichagwishurwa zvigoti kwatarara pasi. Ndichaparadza dzimba dzokugara mumwaka wechando nedzimba dzapazhizha nedzimbawo dzomunyanga wenzou dzichaparara, uye dzimba dzakawanda dzichaparara.” Ndizvo zviri kutaura TENZI.
Amosi 3:12-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Mufudzi seɀaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maʋiri kana cipande cenzeʋe, saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋacabvutwa ʋo, iʋo ʋagere Samaria pamuceto woʋuʋato, ʋuye pamitsamiro yemiceka yesiriki yomubeda. Inzwai, mupupurire imba yaJakobo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, Mŋari wehondo. Nokuti nezuʋa randicaroʋa Israeri pamsoro pokuɗarika kwaʋo, ndicaroʋa ʋo maartari eBeti‐eri; nyaŋga dzeartari dzicagurwa nokuwira pasi. Ndicaputsa dzimba dzecando pamŋe cete nedzimba dzezhezha; dzimba dzenyaŋga dzenzou dzicaparadzwa, ʋuye dzimba huru dzicapera — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Amosi 3:12-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)