Saka zvanzi naTENZI, “Sokununura kunoita mufudzi mukanwa meshumba, makumbo zvawo maviri echipfuwo kana kuti kadimbu kenzeve, ndozvichangoitwawo vanhu veIsiraeri vanogara muSamaria vachinunurwa vari pakakona kesofa kana pachidimbu chomubhedha. “Chinzwa, uzivise vemba yaJakobho,” ndizvo zviri kutaura TENZI Mwari, Mwari wehondo nehondo, “Kuti pazuva randicharangira Isiraeri kutadza kwayo, ndichavinga atari dzeBhetieri, zvinenge nyanga zvapaatari yacho zvichagwishurwa zvigoti kwatarara pasi. Ndichaparadza dzimba dzokugara mumwaka wechando nedzimba dzapazhizha nedzimbawo dzomunyanga wenzou dzichaparara, uye dzimba dzakawanda dzichaparara.” Ndizvo zviri kutaura TENZI.
Verenga chikamu Amosi 3
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Amosi 3:12-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo