Mabasa 7:54-56
Mabasa 7:54-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo. Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari. Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”
Mabasa 7:54-56 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugedagedera meno. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akaona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari, akati, “Tarirai, ndinoona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”
Mabasa 7:54-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.”
Mabasa 7:54-56 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakamugeɗa‐geɗera meno. Asi iye azere noMŋeya Mutȿene, akatarisisa kuɗeŋga, akaʋona kubginya kwaMŋari, naJesu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari, akati: Tarirai, ndinoʋona ɗeŋga rakazarurwa, noMŋanakomana womunhu amire kuruʋoko rworudyi rwaMŋari.
Mabasa 7:54-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)