Mabasa 7:54-56
Mabasa 7:54-56 SCLB
Pavakanzwa zvinhu izvi vakashatirwa kwazvo vakamuchenamira mazino. Asi iye azere naMweya Mutsvene, akatarisisa mudenga akaona mbiri yaMwari, Jesu amire kurudyi rwaMwari akati, “Tarirai muone, ndiri kuona denga rakazaruka Mwanakomana womunhu akamira kurudyi rwaMwari.”

