Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 4:8-12 - Compare All Versions

Mabasa 4:8-12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Petro azere noMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati nemi vakuru vavanhu, kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’ Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 BDSC

Mabasa 4:8-12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Petirosi, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vabati vavanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo; muzive imi mose, navanhu vose vaIsiraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye akamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu amire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibwe rakazvidzwa nemi vavaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakuna kuponeswa kuno mumwe; nokuti hakuna nerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingasunungurwa naro.”

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 SNA2002

Mabasa 4:8-12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvino Pita, azere naMweya Mutsvene, akati kwavari, “Imi vatongi vavanhu navakuru vakuru kana tiri kugadzirwa dare nhasi uno basa rakanaka rakaitwa kumhetamakumbo iyi kuti munhu uyu akarapwa sei, ngazvizivikanwe kwamuri mose uye kuvanhu vose veIsiraeri kuti nezita raJesu Kristu weNazareti wamakarovera pamuchinjikwa akamutswa naMwari kuvakafa pamusana pake munhu uyu amire pamberi penyu akasimba. Iri ndiro dombo rakarambwa nemi vavaki asi rava dombo guru rapakona. Hakuna mumwezve munhu anogona kuponesa nokuti hakuna rimwezve zita pasi pose rakatumidzwa munhu pakati pavanhu ratinofanira kuponeswa naro.”

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 SCLBD

Mabasa 4:8-12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Petro, azere noMŋeya Mutȿene, akati kwaʋari: Imi ʋaɓati ʋaʋanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamsoro peɓasa rakanaka, rakaitirwa munhu cirema, napaakaponeswa napo; muziʋe imi mose, naʋanhu ʋose ʋaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakaroʋera pamucinjikwa, iye wakamutswa naMŋari kuʋakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibge rakaɀidzwa nemi ʋaʋaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakunakuponeswa kunomumŋe; nokuti hakunerimŋe zita pasi peɗeŋga, rakapiwa pakati paʋanhu, ratiŋgasunuŋgurwa naro.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 4 SUB1949

Mabasa 4:8-12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mabasa 4 SCLB