Maɓasa Aʋaapostora 4:8-12
Maɓasa Aʋaapostora 4:8-12 SUB1949
Ɀino Petro, azere noMŋeya Mutȿene, akati kwaʋari: Imi ʋaɓati ʋaʋanhu, kana tikabvunzwa nhasi pamsoro peɓasa rakanaka, rakaitirwa munhu cirema, napaakaponeswa napo; muziʋe imi mose, naʋanhu ʋose ʋaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakaroʋera pamucinjikwa, iye wakamutswa naMŋari kuʋakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora. Ndiye ibge rakaɀidzwa nemi ʋaʋaki, rikaitwa musoro wekona. Nokuti hakunakuponeswa kunomumŋe; nokuti hakunerimŋe zita pasi peɗeŋga, rakapiwa pakati paʋanhu, ratiŋgasunuŋgurwa naro.

