Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 26:1-32

Mabasa 26:1-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti, “Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha, uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo. “VaJudha vose zvavo vanoziva nzira yandakararama nayo kubvira pandakanga ndiri mwana, kubva pakutanga kwoupenyu hwangu munyika yokwangu, nomuJerusaremawo. Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi. Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari. Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi. Seiko zvisingagoni kutendwa pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa? “Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta. Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo. Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza. “Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru. Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo. Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’ “Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza. Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza. Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kune veDzimwe Ndudzi. Ndiri kukutuma kwavari kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’ “Saka ipapo, Mambo Agiripa, handina kuramba kuteerera kuchiratidzo chakabva kudenga. Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokune veDzimwe Ndudziwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo. Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya. Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika, kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kubva kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokune veDzimwe Ndudzi.” Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.” Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka. Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda. Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.” Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.” Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo. Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.” Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 26

Mabasa 26:1-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Ipapo Pauro akatambanudza ruoko rwake, akazvidavirira, achiti, “Mambo Agiripa, ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha; zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomwoyo murefu. “VaJudha vose vanoziva mafambiro angu, kubva pauduku hwangu, aiva pakati porudzi rwangu napaJerusaremu, kubva pakutanga; vakandiziva kare, kana vachida kupupura, kuti ndaiva muFarisi, nedzidziso yokupira kwedu yakaisvorurama. Nazvino ndinomira pano, kuti nditongwe nokuda kwokutarira chipikirwa chakapikirwa madzibaba edu naMwari. Marudzi edu ane gumi namaviri anoshumira Mwari usiku namasikati, achiti achasvika pachipikirwa icho. Pamusoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa navaJudha. Munofungireiko imi kuti hazvingatendwi kuti Mwari angamutsa vakafa? “Zvino neni ndaiti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta. Ndakazviitawo paJerusaremu, ndikapfigira vatsvene vazhinji mutorongo, ndapiwa simba navapristi vakuru; uye kana vaiurawa, neni ndaibvumirawo. Nomumasinagoge ose ndaivatambudza, ndichivaroverera kuti vashonhe Mwari; ndikanyanya kuvapengera, ndikavatambudza kusvikira kumaguta ari kure nenyika ino. “Ndakati ndichaita izvozvi, ndikaenda Dhamasiko nesimba uye nomurayiro wavapristi vakuru, zvino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo. Zvino takati tawira pasi tose, ndikanzwa izwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru, ‘Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko? Zvinokuremera kupfura zvibayiso.’ “Ndikati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ Ishe akati, ‘Ndini Jesu, waunotambudza. Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakaona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri; ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari; kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kuna Mwari, kuti vagamuchire ruregerero rwezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri.’ “Naizvozvo, mambo Agiripa handina kuramba kuteerera chiratidzo chokudenga; asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamasiko, nokuna veJerusaremu, nenyika yose yeJudhea, nokuvahedheni, kuti vatendeuke, varingire kuna Mwari, vaite mabasa akafanira kutendeuka. Pamusoro paizvozvi vaJudha vakandibata mutemberi, vakaedza kundiuraya. Asi ndakabatsirwa naMwari, ndikamira kusvikira zuva ranhasi, ndichipupurira vaduku navakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMosesi, kuti zvichaitika; zvokuti Kristu akafanira kutambudzika, nokutanga kumuka kuvakafa, aparidzire vanhu navahedheni chiedza.” Zvino akati achizvidavirira saizvozvo, Fesito akati nezwi guru, “Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.” Asi Pauro akati, “Handipengi, Fesito akakurumbira; asi ndinotaura mashoko amazvokwadi noouchenjeri. Nokuti mambo andinotaura naye ndisingatyi, vanoziva izvozvi, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda. “Mambo Agiripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.” Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.” Pauro akati, “Ndinonyengetera kuna Mwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasina zvisungo izvi.” Ipapo mambo akasimuka, nomubati, naBherinike, navakanga vagere navo; vakabuda vakataurirana, vakati, “Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.” Ipapo Agiripa akati kuna Fesito, “Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari angadai asunungurwa.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 26

Mabasa 26:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Agiripa akati kuna Pauro, “Unobvumirwa kuzvitaurira.” Pauro akasimudza ruoko rwake akazvidavirira. “Ndinofunga kuti ndine mhanza yakanaka kuti ndizvidavirire nhasi pamberi penyu, imi mambo Agiripa, pane zvose zvandinopomerwa navaJudha nokuti imi munonyatsoziva tsika namakakatanwa anoitwa navaJudha, saka ndinokukumbirai kuti munditeererewo nemwoyo murefu. “VaJudha vose vanoziva mugariro wangu kubvira pahwana huduku hwangu uye upenyu hwandakagara kubvira pakutanga mukati merudzi rwangu muJerusaremu. Vanondiziva kwenguva ndefu, kana vachida zvavo kuzvipupura, kuti ndakagara somuFarisei, bato rinochengetedza zvechitendero chedu nemazvo chaimo. Zvino ndiri pano ndichitongerwa chitarisiro munezvakatsidzirwa madzitateguru edu naMwari Mambo, zviri kutarisirwa kuwanika namadzinza edu gumi namaviri pavanonamata nemwoyo wose siku nesikati, chitarisiro ichocho ndicho chandiri kupirwa mhosva navaJudha. Sei muchizviona sechinhu chisingagoneki kuti Mwari anomutsa vakafa. “Iniwo pachangu ndaiva nechokwadi chaicho kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvokurwisa zita raJesu weNazareti. Izvi ndakazviita muJerusaremu. Handina kungozaririra vazhinji vavasarudzwi vaMwari mumajeri ndichishandisa simba randakapiwa navapristi vakuru asi kuti pavaiuraiwa ndairatidza kuwirirana navo. Ndakavaranga kakawanda mumasinagogu ose uye ndakaedza kuti vashonhe Mwari. Ndaivatambudza ndiine hasha dzisingatauriki kusvika kumaguta okunze kwenyika. Ndizvo zvakaita kuti ndiende kuDhamasikusi ndapiwa navapristi vakuru simba nebasa rokuita izvozvo. Zuva rava kurova panhongonya, mambo, ndakaona panzira chiedza chakabva kudenga chichipenya kupinda zuva. Chakapenya chakanditenderedza ini navandaifamba navo. Patakawira pasi tose ndakanzwa izwi richitaura kwandiri mumutauro wechiHebheru richiti, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzirei. Zvinokurwadza kupfanha negumbo shamhu.’ Ndakati, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Tenzi akati, ‘Ndini Jesu wauri kutambudza. Asi chisimuka umire namakumbo ako, nokuti izvi ndizvo zvandazviratidzira kwauri kuti ndikusarudze ushande uye kuti uve chapupu chezvawandiona ndiri uye mune zvandicharatidza kwauri ndichikununura kuvanhu nekune vechirudzi vandichakutumira kwavari kuti uzarure maziso avo vatendeuke kubva murima vachienda muchiedza uye kubva mumaoko aSatani vachienda mumaoko aMwari kuti vawane kuregererwa kwezvitadzo zvavo uye vawane nzvimbo mukati mevavo vakasarudzwa pamusana pechitendero chavo mandiri.’ “Saizvozvo, Mambo Agiripa handairamba kuteerera chiratidzo ichocho chokudenga asi ndakatanga kuzivisa vari kuDhamasikusi tevere vokuJerusaremu ndokuzouyawo nyika yose yeJudhea nokune vechirudzi kuti vanofanira kupinduka vadzokere kuna Mwari vaite zvinowirirana nokutendeuka kwavo. Pamusana paizvozvi vaJudha vakandibata muTemberi vakaedza kundiuraya. Kusvikira pari nhasi ndakabatsirwa naMwari. Saizvozvo ndimire pano ndichipupura kuvaduku nokuvakuru pasina chimwe chandinotaura kunze kwezvakataurwa navaporofita naMosesi kuti zvichaitika zvokuti Mesia anofanira kutambudzika achiva iye wokutanga kumuka muvafi achizoparidza nazvo chiedza kuvanhu nokune vechirudzi.” Ipapa Pauro achizvidavirira, Fesitusi akadaidzira nezwi guru achiti, “Iwe Pauro wavakupenga iwe. Kudzidza kwako ndiko kwava kukupengesa iwe.” Pauro akati, “Handisi kupenga, changamire vanoremekedzwa vaFesitusi. Ndiri kutaura chokwadi nepfungwa dzakakwana nokuti mambo vanoziva zvinhu izvi uye ndinotaura kwavari ndakasununguka ndinonyatsoziva kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chaasina kuona nokuti hazvina kuitirwa pachikona. Nhai imi, Mambo Agiripa munotenda vaporofita here? Ini ndinoziva kuti munotenda.” Agiripa akati kuna Pauro, “Unofunga kuti angandiite muKristu nenguva pfupi yakadai here?” Pauro akati, “Ingave nguva pfupi kana refu zvayo, ndinotokumbira kuna Mwari, kuti kwete imi moga asi kuti vose vari kundinzwa nhasi uno vave sezvandiri, kunze kwecheni idzi chete.” Mambo akabva asimuka nagavhuna naBhenisi navavakanga vakagara navo. Pavakanga vabva vakataurirana vachiti, “Munhu uyu hapana chaari kuita chinokodzera rufu kana kuiswa mujeri.” Agiripa akati kuna Fesutusi, “Munhu uyu angadai asunungurwa zvake dai asina kuti mhosva yake ikwidzwe kuna Siza.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 26

Mabasa 26:1-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Agripa akati kunaPauro: Unotenderwa kuɀiɗaʋirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruʋoko rwake, akaɀiɗaʋirira, aciti: Mambo Agripa, ndinoɀikorokotedza, ɀandiŋgaɀiɗaʋirira nhasi pamberi penyu pamsoro peɀose ɀandinokwirirwa naɀo naʋaJuda; ɀikuru nokuti munoziʋa tsika dzose namashoko ose pakati paʋaJuda; naiɀoɀo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomŋoyo murefu. ƲaJuda ʋose ʋanoziʋa mufambire waŋgu, kubva paʋuɗuku bgaŋgu, waiʋa pakati porudzi rwaŋgu napaJerusarema kubva pakutaŋga; ʋakandiziʋa kare, kana ʋaciɗa kupupura, kuti ndaiʋa muFarise, nedzidziso yokupira kweɗu yakaiȿo‐rurama. Naɀino ndinomira pano, kuti nditoŋgwe nokuɗa kwokutarira cipikirwa cakapikirwa madziɓaɓa eɗu naMŋari. Marudzi eɗu anegumi namaʋiri anoshumira Mŋari ʋusiku namasikati, aciti acaȿika pacipikirwa ico. Pamsoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa naʋaJuda. Munofuŋgireiko imi kuti haɀiŋgatendwi kuti Mŋari uŋgamutsa ʋakafa? Ɀino neni nnaiti ndinofanira kuita ɀinhu ɀizhinji ɀinopesana nezita raJesu weNazareta. Ndakaɀiita ʋo paJerusarema, ndikapfigira ʋatȿene ʋazhinji mutoroŋgo, ndapiwa simba naʋaprista ʋakuru; ʋuye kana ʋaiʋurawa, neni ndaibvumira ʋo. Nomumasinagoge ose ndaiʋatambudza, ndiciʋaroʋerera kuti ʋamhure Mŋari; ndikanyanya kuʋapeŋgera, ndikaʋatambudza kuȿikira kumaguta ari kure nenyika ino. Ndakati ndicaita iɀoɀi, ndikaenda Damasko nesimba ʋuye nomurairo waʋaprista ʋakuru, ɀino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaʋona ciedza caibva kuɗeŋga, caikunda kupenya kwezuʋa, cicindipenyera kumatiʋi ose naʋandaifamba naʋo. Ɀino takati tawira pasi tose, ndikanzwa inzwi riciti kwandiri norurimi rweciHeberu: Sauro! Sauro! unonditambudzireiko? Ɀinokuremera kupfura ɀiɓayiso. Ndikati: Ndimi aniko, Ishe? Ishe akati: Ndini Jesu, waunotambudza. Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndaɀiratidza kwauri neɀiɀi, kuti ndikuite munyai necapupu ceɀawakaʋona, neɀandicaɀiratidza naɀo kwauri; ndicakurwira kuʋanhu nokuʋahedeni, ʋandinokutumira kwaʋari; kuti uȿinudze meso aʋo, ʋabve murima, ʋaende kuciedza, nokubva pasimba raSatani, ʋaende kunaMŋari, kuti ʋagamucire kaŋganwiro yeɀiʋi ɀaʋo, nenhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene, nokutenda kwandiri. Naiɀoɀo, mambo Agripa handina‐kuramba kuterera ciratidzo cokuɗeŋga; asi ndakataŋga kuparidza kunaʋeDamasko, nokunaʋeJerusarema, nenyika yose yeJudea, nokuʋahedeni, kuti ʋatendeʋuke, ʋariŋgire kunaMŋari, ʋaite maɓasa akafanira kutendeʋuka. Pamsoro paiɀoɀi ʋaJuda ʋakandiɓata mutembere, ʋakaidza kundiʋuraya. Asi ndakaɓatsirwa naMŋari, ndikamira kuȿikira zuʋa ranhasi, ndicipupurira ʋaɗuku naʋakuru, ndisiŋgareʋi ɀimŋe ɀinhu asi ɀakataurwa naʋaprofita naMosesi, kuti ɀicaitika; ɀokuti Kristu wakafanira kutambudzika, nokutaŋga kumuka kuʋakafa, aparidzire ʋanhu naʋahedeni ciedza. Ɀino wakati aciɀiɗaʋirira saiɀoɀo, Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopeŋga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza. Asi Pauro akati: Handipeŋgi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko amaɀokwaɗi noʋucenjeri. Nokuti mambo wandinotaura naye ndisiŋgatyi, ʋanoziʋa iɀoɀi, nokuti ndinoziʋa kuti hapanecinhu caiɀoɀo cakaʋanzika kwaari, nokuti cinhu ici hacina‐kuitwa pakaʋanda. Mambo Agripa, munotenda ʋaprofita here? Ndinoziʋa kuti munotenda. Agripa akati kunaPauro: Uneŋge unoɗa kundiita mukristu neŋguʋa ɗuku. Pauro akati: Ndinonyeŋgetera kunaMŋari kana neŋguʋa ɗuku, kana nehuru, kuti musaʋa imi moga, asi ʋose ʋanondinzwa nhasi, ʋaitwe seni, asi ʋasine ɀisuŋgo iɀi. Ipapo mambo akasimuka, nomuɓati, naBerinike, naʋakaŋga ʋagere naʋo; ʋakaɓuɗa ʋakataurirana, ʋakati: Munhu uyu haaiti cinhu cakafanira rufu kana kusuŋgwa. Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu ɗai asina‐kuɀiisa kunaKesari uŋgaɗai asunuŋgurwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 26

Mabasa 26:1-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)