Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 26:1-32

Mabasa 26:1-32 SCLB

Agiripa akati kuna Pauro, “Unobvumirwa kuzvitaurira.” Pauro akasimudza ruoko rwake akazvidavirira. “Ndinofunga kuti ndine mhanza yakanaka kuti ndizvidavirire nhasi pamberi penyu, imi mambo Agiripa, pane zvose zvandinopomerwa navaJudha nokuti imi munonyatsoziva tsika namakakatanwa anoitwa navaJudha, saka ndinokukumbirai kuti munditeererewo nemwoyo murefu. “VaJudha vose vanoziva mugariro wangu kubvira pahwana huduku hwangu uye upenyu hwandakagara kubvira pakutanga mukati merudzi rwangu muJerusaremu. Vanondiziva kwenguva ndefu, kana vachida zvavo kuzvipupura, kuti ndakagara somuFarisei, bato rinochengetedza zvechitendero chedu nemazvo chaimo. Zvino ndiri pano ndichitongerwa chitarisiro munezvakatsidzirwa madzitateguru edu naMwari Mambo, zviri kutarisirwa kuwanika namadzinza edu gumi namaviri pavanonamata nemwoyo wose siku nesikati, chitarisiro ichocho ndicho chandiri kupirwa mhosva navaJudha. Sei muchizviona sechinhu chisingagoneki kuti Mwari anomutsa vakafa. “Iniwo pachangu ndaiva nechokwadi chaicho kuti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvokurwisa zita raJesu weNazareti. Izvi ndakazviita muJerusaremu. Handina kungozaririra vazhinji vavasarudzwi vaMwari mumajeri ndichishandisa simba randakapiwa navapristi vakuru asi kuti pavaiuraiwa ndairatidza kuwirirana navo. Ndakavaranga kakawanda mumasinagogu ose uye ndakaedza kuti vashonhe Mwari. Ndaivatambudza ndiine hasha dzisingatauriki kusvika kumaguta okunze kwenyika. Ndizvo zvakaita kuti ndiende kuDhamasikusi ndapiwa navapristi vakuru simba nebasa rokuita izvozvo. Zuva rava kurova panhongonya, mambo, ndakaona panzira chiedza chakabva kudenga chichipenya kupinda zuva. Chakapenya chakanditenderedza ini navandaifamba navo. Patakawira pasi tose ndakanzwa izwi richitaura kwandiri mumutauro wechiHebheru richiti, ‘Sauro Sauro uri kunditambudzirei. Zvinokurwadza kupfanha negumbo shamhu.’ Ndakati, ‘Ndimi aniko Tenzi?’ Tenzi akati, ‘Ndini Jesu wauri kutambudza. Asi chisimuka umire namakumbo ako, nokuti izvi ndizvo zvandazviratidzira kwauri kuti ndikusarudze ushande uye kuti uve chapupu chezvawandiona ndiri uye mune zvandicharatidza kwauri ndichikununura kuvanhu nekune vechirudzi vandichakutumira kwavari kuti uzarure maziso avo vatendeuke kubva murima vachienda muchiedza uye kubva mumaoko aSatani vachienda mumaoko aMwari kuti vawane kuregererwa kwezvitadzo zvavo uye vawane nzvimbo mukati mevavo vakasarudzwa pamusana pechitendero chavo mandiri.’ “Saizvozvo, Mambo Agiripa handairamba kuteerera chiratidzo ichocho chokudenga asi ndakatanga kuzivisa vari kuDhamasikusi tevere vokuJerusaremu ndokuzouyawo nyika yose yeJudhea nokune vechirudzi kuti vanofanira kupinduka vadzokere kuna Mwari vaite zvinowirirana nokutendeuka kwavo. Pamusana paizvozvi vaJudha vakandibata muTemberi vakaedza kundiuraya. Kusvikira pari nhasi ndakabatsirwa naMwari. Saizvozvo ndimire pano ndichipupura kuvaduku nokuvakuru pasina chimwe chandinotaura kunze kwezvakataurwa navaporofita naMosesi kuti zvichaitika zvokuti Mesia anofanira kutambudzika achiva iye wokutanga kumuka muvafi achizoparidza nazvo chiedza kuvanhu nokune vechirudzi.” Ipapa Pauro achizvidavirira, Fesitusi akadaidzira nezwi guru achiti, “Iwe Pauro wavakupenga iwe. Kudzidza kwako ndiko kwava kukupengesa iwe.” Pauro akati, “Handisi kupenga, changamire vanoremekedzwa vaFesitusi. Ndiri kutaura chokwadi nepfungwa dzakakwana nokuti mambo vanoziva zvinhu izvi uye ndinotaura kwavari ndakasununguka ndinonyatsoziva kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chaasina kuona nokuti hazvina kuitirwa pachikona. Nhai imi, Mambo Agiripa munotenda vaporofita here? Ini ndinoziva kuti munotenda.” Agiripa akati kuna Pauro, “Unofunga kuti angandiite muKristu nenguva pfupi yakadai here?” Pauro akati, “Ingave nguva pfupi kana refu zvayo, ndinotokumbira kuna Mwari, kuti kwete imi moga asi kuti vose vari kundinzwa nhasi uno vave sezvandiri, kunze kwecheni idzi chete.” Mambo akabva asimuka nagavhuna naBhenisi navavakanga vakagara navo. Pavakanga vabva vakataurirana vachiti, “Munhu uyu hapana chaari kuita chinokodzera rufu kana kuiswa mujeri.” Agiripa akati kuna Fesutusi, “Munhu uyu angadai asunungurwa zvake dai asina kuti mhosva yake ikwidzwe kuna Siza.”

Verenga chikamu Mabasa 26