Mabasa 20:18-20
Mabasa 20:18-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia. Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha. Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.
Mabasa 20:18-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakati vasvika kwaari, akati kwavari, “Imimunoziva mugariro wangu pakati penyu nguva dzose, kubva pazuva rokutanga randakasvika naro paAsia; ndichibatira Ishe nokuzvininipisa zvikuru, nemisodzi, namadambudziko akandiwira nerangano dzakaipa dzavaJudha; kuti handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose
Mabasa 20:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pavakasvika kwaari akavati, “Imi pachenyu munoziva kuti ndakagara sei pakati penyu nguva dzose kubvira zuva randakatanga kusvika muAsia, ndichishandira Tenzi nokuzvidukupisa nemisodzi padama nemiedzo zvakandiwira pamusana pamabangano avaJudha. Handina kumbozeza kukutaurirai pachena chose chakanga chiine basa ndichikudzidzisai zviri pachena imba nemba
Mabasa 20:18-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakati ʋaȿika kwaari, akati kwaʋari: Imi munoziʋa mugarire waŋgu pakati penyu ŋguʋa dzose, kubva pazuʋa rokutaŋga randakaȿika naro paAsia; ndiciɓatira Ishe nokuɀininipisa ɀikuru, nemisodzi, namaɗambudziko akandiwira neraŋgano dzakaipa dzaʋaJuda; kuti handina‐kutya kukuparidzirai ɀiŋgakuɓatsirai nokukudzidzisai pacena padzimba dzose
Mabasa 20:18-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)