Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20:18-20

Mabasa 20:18-20 BDSC

Vakati vasvika, akati kwavari, “Imi munoziva kuti ndakagara sei nemi panguva yose yandaiva nemi, kubvira pazuva rokutanga randakasvika munyika yeEzhia. Ndakashumira Ishe nokuzvininipisa zvikuru uye nemisodzi, kunyange ndakaedzwa zvikuru nerangano dzavaJudha. Munozviziva kuti handina kuzeza kuparidza kana chinhu chaizokubatsirai imi, asi ndakakudzidzisai pachena uye muimba neimba.