Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 20:10-12 - Compare All Versions

Mabasa 20:10-12 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Pauro akaburuka akasvikozviwisira pamusoro pejaya akamugumbatira mumaoko ake. Akati, “Musatya, mupenyu!” Ipapo akakwirazve paimba yapamusoro akamedura chingwa akadya. Shure kwokutaura navo kusvikira kwaedza, akazoenda hake. Vanhu vakatora mujaya uya vakaenda naye kumusha ari mupenyu uye vakanyaradzwa zvikuru.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 20 BDSC

Mabasa 20:10-12 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ipapo Pauro akaburuka, akazviwisira pamusoro pake, akamufungatira, akati, “Musaita bopoto, nokuti mweya wake uchiri maari.” Akakwira, akamedura chingwa, akadya, akataura navo nguva refu kusvikira kuchiedza, ndokuenda. Vakauya nomukomana ari mupenyu, vakanyaradzwa kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 20 SNA2002

Mabasa 20:10-12 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ipapo Pauro akaɓuruka, akaɀiwisira pamsoro pake, akamufuŋgatira, akati: Musaita ɓopoto, nokuti mŋeya wake uciri maari. Akakwira, akameɗura ciŋgwa, akadya, akataura naʋo ŋguʋa refu kuȿikira kuciedza, ndokuenda. Ʋakaʋuya nomukomana ari mupenyu, ʋakanyaradzwa kwaɀo.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 20 SUB1949

Mabasa 20:10-12 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.” Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena. Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 20 SCLB

Mabasa 20:10-12 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.” Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena. Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 20 SCLBD