Mabasa 20:10-12
Mabasa 20:10-12 SCLBD
Pauro akadzika akakotamira paari akamugumbatira akati, “Musazvinetse zvenyu achiri mupenyu.” Pauro akakwirazve kuimba yokumusoro akamedura chingwa akadya akataura kusvika kunze kwachena. Vakatora mukomana voenda naye ari mupenyu zvikavanyaradza zvikuru.

