Mabasa 2:32-39 - Compare All Versions
Mabasa 2:32-39 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.” ’ “Naizvozvo vaIsraeri vose ngavazive izvi: Jesu uyu, wamakaroverera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?” Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.”
Mabasa 2:32-39 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. “Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ “Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?” Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.”
Mabasa 2:32-39 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu, Kuȿikira ndiciita ʋaʋeŋgi ʋako ʋaʋe citsiko cetsoka dzako. Ɀino imba yose yaʋaIsraeri ŋgaiziʋe kwaɀo, kuti uyu Jesu wamakaroʋera pamucinjikwa, Mŋari wakamuita Ishe naKristu. Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakaɓayiwa pamŋoyo, ʋakati kunaPetro nokunaʋamŋe ʋaapostora: Ʋarume, hama, ticaiteiko? Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene. Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu.
Mabasa 2:32-39 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu kusvikira ndaita vavengi vako chitambarariko chetsoka dzako.’ “Naizvozvo imba yose yaIsiraeri ngainyotsoziva kuti Mwari akamuita kuti ave Tenzi naMesia, iye Jesu uyu wamakaroverera pamuchinjikwa.” Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.”
Mabasa 2:32-39 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)