Mabasa 2:32-39
Mabasa 2:32-39 SNA2002
Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. “Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu, Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.’ “Zvino imba yose yavaIsiraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari akamuita Ishe naKristu.” Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?” Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.”

