Mabasa 2:32-34 - Compare All Versions
Mabasa 2:32-34 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi
Mabasa 2:32-34 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. “Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu
Mabasa 2:32-34 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
“Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu
Mabasa 2:32-34 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu
Mabasa 2:32-34 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)