Maɓasa Aʋaapostora 2:32-34
Maɓasa Aʋaapostora 2:32-34 SUB1949
Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu

