Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:29-34 - Compare All Versions

Mabasa 2:29-34 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

“Hama, ndingakuudzai ndiine chokwadi kuti tateguru wedu Dhavhidhi akafa akavigwa, uye guva rake richiri pano kusvikira nhasi. Asi akanga ari muprofita uye aiziva kuti Mwari akanga amuvimbisa nemhiko kuti aizogadza mumwe wezvizvarwa zvake pachigaro choushe. Achiona zviri mberi, akataura nezvokumuka kwaKristu, kuti akanga asina kusiyiwa muguva, uye muviri wake hauna kuona kuora. Mwari akamutsa Jesu uyu kubva kuvakafa, uye isu tose tiri zvapupu zvacho. Akasimudzirwa kuruoko rworudyi rwaMwari, akagamuchira kubva kuna Baba chipikirwa choMweya Mutsvene uye akadurura izvi zvamuri kuona nokunzwa iye zvino. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi iye akati: “ ‘Ishe akati kuna She wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 BDSC

Mabasa 2:29-34 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

“Varume, hama, ndingakuudzai pachena zvatateguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro hwavo huri pakati pedu kusvikira nhasi. Zvino zvaakanga ari muporofita, achizivawo kuti Mwari akamupikira nemhiko kuti achagadza pachigaro chake choushe mumwe wezvibereko zvechiwuno chake, zvaaiona zviri mberi, akareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kuora. Uyu Jesu akamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. “Zvino akati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa chaMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunoona nezvamunonzwa. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi anoti amene, ‘Ishe akati kuna Ishe wangu, Gara kurudyi rwangu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SNA2002

Mabasa 2:29-34 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi. Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake, ɀaaiʋona ɀiri mberi, wakareʋa pamsoro pokumuka kwaKristu, kuti haanakusiyiwa paHadesi, nenyama yake hainakuʋora. Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SUB1949

Mabasa 2:29-34 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

“Hama, regai ndikutaurirei zviri pachena nezvaTateguru wedu Dhavhidhi kuti akafa akavigwa uye guva rake tinaro nanhasi uno. Nezvo somuporofita, uye zvaaiziva kuti Mwari akapika nechitsidzo kwaari kuti achaisa mumwe wechizvarwa chake pachigaro chake choumambo, akafanoona akataura nezvokumuka kwaMesia achiti, “Haana kusiiwa munzvimbo yavafi uye muviri wake hauna kuora. “Mwari akamutsa iye Jesu iyeyo, isu tose tiri zvapupu zvaizvozvo. Asumudzirwa kurudyi rwaMwari uye agamuchira kubva kuna Baba chitsidzo chaMweya Mutsvene, adururira zvamurikuona nokunzwa izvi. Chiripo ndechokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga asi iye pachake anototi: “Tenzi akati kuna Tenzi wangu, ‘Gara kurudyi kwangu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SCLB

Mabasa 2:29-34 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mabasa 2 SCLBD