Maɓasa Aʋaapostora 2:29-34
Maɓasa Aʋaapostora 2:29-34 SUB1949
Ʋarume, hama, ndiŋgakuʋudzai pacena ɀateteguru Davidi, kuti ʋakafa, ʋakaʋigwa, bgiro bgaʋo bguri pakati peɗu kuȿikira nhasi. Ɀino ɀaakaŋga ari muprofita, aciziʋa ʋo kuti Mŋari wakamupikira nemhiko kuti ucagadza pacigaro cake coʋushe mumŋe weɀiɓereko ɀeciʋuno cake, ɀaaiʋona ɀiri mberi, wakareʋa pamsoro pokumuka kwaKristu, kuti haanakusiyiwa paHadesi, nenyama yake hainakuʋora. Uyu Jesu wakamutswa naMŋari, isu tiri ɀapupu ɀake tose. Ɀino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMŋari, apiwa naƂaɓa cipikirwa coMŋeya Mutȿene, akaɗurura iɀi ɀamunoʋona neɀamunonzwa. Nokuti Davidi haana‐kukwira kuɗeŋga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe waŋgu: Gara kurudyi rwaŋgu

