Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 12:9 - Compare All Versions

2 Samueri 12:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ko, wakazvidzirei shoko raJehovha nokuita zvisakarurama pamberi pake? Wakauraya Uria muHiti nomunondo uye ukatora mukadzi wake ukamuita wako. Wakamuuraya nomunondo wavaAmoni.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 12 BDSC

2 Samueri 12:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Wazvidzireiko shoko raJehovha, ukaita zvakaipa pamberi pake? Wauraya Uriya muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti ave mukadzi wako, ukamuurayisa nomunondo wavaAmoni.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 12 SNA2002

2 Samueri 12:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 12 SCLBD

2 Samueri 12:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Waɀidzireiko shoko raJehova, ukaita ɀakaipa pamberi pake? Waʋuraya Uria muHiti nomunondo, ukatora mukadzi wake kuti aʋe mukadzi wako, ukamuʋurayisa nomunondo waʋaAmoni.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 12 SUB1949

2 Samueri 12:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 12 SCLB