Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 11:14-15 - Compare All Versions

2 Samueri 11:14-15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria. Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 11 BDSC

2 Samueri 11:14-15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino mangwana Dhavhidhi akanyorera Joabhu rugwaro, akarutuma noruoko rwaUriya. Akanyora parugwaro, akati, “Isa Uriya pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe afe.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 11 SNA2002

2 Samueri 11:14-15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino maŋgwana Davidi akanyorera Joabi rugwaro, akarutuma noruʋoko rwaUria. Akanyora parugwaro, akati: Isa Uria pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aʋurawe, afe.

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 11 SUB1949

2 Samueri 11:14-15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mangwanani acho Dhavhidhi akanyorera Joabhu tsamba akaitumira naiye Uriya. Mutsamba iyoyo akanyora kuti, “Isa Uriya kumberimberi chaiko kunenge kuchipisa hondo kwazvo mugodududza momusiya ari oga kuitira kuti auraiwe afe.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 11 SCLB

2 Samueri 11:14-15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mangwanani acho Dhavhidhi akanyorera Joabhu tsamba akaitumira naiye Uriya. Mutsamba iyoyo akanyora kuti, “Isa Uriya kumberimberi chaiko kunenge kuchipisa hondo kwazvo mugodududza momusiya ari oga kuitira kuti auraiwe afe.”

Pakurirana nevamwe
2 Samueri 11 SCLBD