2 Petro 3:8-13
2 Petro 3:8-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi musakanganwa chinhu chimwe chete ichi, vadikani, kuti: Kuna Ishe zuva rimwe chete rakaita sechiuru chamakore, uye chiuru chamakore chakaita sezuva rimwe chete. Ishe haanonoki kuita zvaakavimbisa, sokunonoka kunonzwisiswa navamwe. Ane mwoyo murefu nemi, haadi kuti ani zvake arasike, asi kuti vose vatendeuke. Asi zuva raIshe richauya sembavha. Matenga achapfuura nokutinhira; zvirimo zvichaparadzwa nomoto, uye nyika nezvose zviri mairi zvichabudiswa pachena. Sezvo zvinhu zvose zvichizoparadzwa nenzira iyi, imi munofanira kuva vanhu vakadini? Munofanira kurarama muutsvene uye nomukutya Mwari, muchitarisira zuva raMwari uye makarindira kusvika kwaro. Zuva iro richauyisa kuparadzwa kwedenga nomoto, uye zvirimo zvichanyauka nokupisa. Asi sezvaakavimbisa, isu tinotarisira denga idzva nenyika itsva, iwo musha wavakarurama.
2 Petro 3:8-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi vadikanwi, musakanganwa chinhu chimwe ichi, kuti kuna Ishe zuva rimwe rakaita samakore ane chiuru, namakore ane chiuru sezuva rimwe. Ishe haanonoki kuita sezvaakapikira, sezvinoreva vamwe vachiti, “Anonoka, asi ano mwoyo murefu kwamuri, nokuti haadi kuti vamwe varashike, asi kuti vose vatendeuke.” Asi zuva raIshe richauya sembavha; naro denga richapfuura nokutinhira kukuru, nezvedenga zvichaparadzwa zvichipiswa, nenyika namabasa ari mairi achapiswa. Izvi zvose zvazvichaparadzwa saizvozvo, imi munofanira kuva vanhu vakadiniko pamufambiro wenyu mutsvene nokunamata Mwari, imi munotarira nokushuvawo kwazvo kuuya kwezuva raMwari; naro denga richaparadzwa nokutsva, nezvedenga zvichanyauka zvichipiswa. Asi sezvaakapikira, tinotarira denga idzva nenyika itsva, munogara kururama mazviri.
2 Petro 3:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi musakanganwe izvi, vadikanwi, zvokuti, pana Tenzi, zuva rimwechete rakangoita sechuru chamakore uye kuti churu chamakore chakangoita, sezuva rimwechete. Tenzi haanonoki nezvechitsidzo chake sokufunga kunoita vamwe, asi ari kutoita mwoyo murefu kwamuri asingadi kuti ani naani zvake aparare asi kuti vose vasvike pakutendeuka. Asi Zuva raTenzi richauya sembavha. Ipapo matenga achapfuura neruzha rukuru, zvomudenga zvichashikitiswa nomoto uye nyika nezvose zvakaitwa pairi zvichapiswa. Zvino zvinhu zvose izvi zvazvichaparadzwa kudai, munosungirwa kuva vanhu vakaita sei pakuva vatsvene napakunamata kwenyu Mwari makamirira muchisuwira kuuya kweZuva raMwari richazoita kuti matenga abatire moto agoparadzwa uye zvomudenga zvichanyungurutswa nomoto. Asi maererano nechitsidzo chake tinomirira denga idzva nenyika itsva, ururami muri imo mumusha mawo.
2 Petro 3:8-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ʋaɗikanwa, musakaŋganwa cinhu cimŋe ici, kuti kunaShe zuʋa rimŋe rakaita samakore anecuru, namakore anecuru sezuʋa rimŋe. Ishe haanonoki kuita seɀaakapikira, seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti: Hunonoka; asi unomŋoyo murefu kwamuri, nokuti haaɗi kuti ʋamŋe ʋarashike, asi kuti ʋose ʋatendeʋuke. Asi zuʋa raShe ricaʋuya sembava; naro ɗeŋga ricapfuʋura nokutinhira kukuru, neɀeɗeŋga ɀicaparadzwa ɀicipiswa, nenyika namaɓasa ari mairi acapiswa. Iɀi ɀose ɀaɀicaparadzwa saiɀoɀo, imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋakaɗiniko pamufambire wenyu mutȿene nokunamata Mŋari, imi munotarira nokushuʋa ʋo kwaɀo kuʋuya kwezuʋa raMŋari; naro ɗeŋga ricaparadzwa nokutȿa, neɀeɗeŋga ɀicanyauka ɀicipiswa. Asi seɀaakapikira, tinotarira ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, munogara kururama maɀiri.
2 Petro 3:8-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)