Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Petro 3:8-13

II Petro 3:8-13 SUB1949

Asi ʋaɗikanwa, musakaŋganwa cinhu cimŋe ici, kuti kunaShe zuʋa rimŋe rakaita samakore anecuru, namakore anecuru sezuʋa rimŋe. Ishe haanonoki kuita seɀaakapikira, seɀinoreʋa ʋamŋe ʋaciti: Hunonoka; asi unomŋoyo murefu kwamuri, nokuti haaɗi kuti ʋamŋe ʋarashike, asi kuti ʋose ʋatendeʋuke. Asi zuʋa raShe ricaʋuya sembava; naro ɗeŋga ricapfuʋura nokutinhira kukuru, neɀeɗeŋga ɀicaparadzwa ɀicipiswa, nenyika namaɓasa ari mairi acapiswa. Iɀi ɀose ɀaɀicaparadzwa saiɀoɀo, imi munofanira kuʋa ʋanhu ʋakaɗiniko pamufambire wenyu mutȿene nokunamata Mŋari, imi munotarira nokushuʋa ʋo kwaɀo kuʋuya kwezuʋa raMŋari; naro ɗeŋga ricaparadzwa nokutȿa, neɀeɗeŋga ɀicanyauka ɀicipiswa. Asi seɀaakapikira, tinotarira ɗeŋga idɀa nenyika itȿa, munogara kururama maɀiri.

Verenga chikamu II Petro 3