Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 5:21-27

2 Madzimambo 5:21-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Nokudaro Gehazi akatevera Naamani. Naamani paakaona munhu aimutevera akabva ajitika mungoro yake yehondo ondosangana naye akati, “Kwakanaka here?” Iye akati, “Zvose zvakanaka hazvo. Asi vatenzi vangu ndivo vandituma neshoko rokuti, ‘Ndasvikirwawo iyezvinouno namajaya maviri eboka ravaporofita vokunyika yaEfuremu yemakomo. Dai zvenyu mukapa ivavo zviuru zvitatu zvesirivha nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa.’ ” Naamani akati, “Tora zvako zviuru zvitanhatu zvesirivha.” Uyewo akamukurudzira, akasungira sirivha yacho mutsapo mbiri nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa dziye akazvitakudza varanda vake vaviri. Vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. Kuzoti asvika kugomo kuya akazvitora akaisa mumba akati varume ava vaende zvavo ndokubvawo vaenda. Akapindamo zvake akamira pana tenzi wake, Erisha akati kwaari, “Nhai Gehazi wanga uri kupiko?” Iye akapindura achiti, “Handina kwandanga ndaenda ini muranda wenyu.” Asi Erisha akati, “Tanga tisiri tose here mumweya newe padzoka murume uya mungoro yake yehondo kuzosangana newe? Ndonguva here iyoyi yokugamuchira mari nehanzu neminda yemagirepisi neminda yemivhaini nehwai nemombe navaranda vechikadzi nevechirume? Saka naizvozvo maperembudzi aNaamani atobatirira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingapere.” Naizvozvo Gehazi akabuda obva paari muviri wake wati zvino mbuu kuchenuruka kunge aumburuka murota namaperembudzi.