2 Madzimambo 5:21-27
2 Madzimambo 5:21-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani akati amuona achimumhanyira, akaburuka mungoro kuti andosangana naye. Akati kwaari, “Kwakanaka here?” Gehazi akapindura akati, “Kwakanaka. Tenzi wangu andituma achiti, ‘Pane majaya maviri abva kuboka ravaprofita achangosvika kwandiri achibva kunyika yamakomo yaEfuremu. Ndapota, muvape henyu tarenda resirivha nemhando mbiri dzenguo.’ ” Naamani akati, “Torai henyu matarenda maviri.” Akagombedzera Gehazi kuti azvigamuchire, ndokubva asungira matarenda maviri esirivha mumasaga maviri, nemhando mbiri dzenguo. Akazvipa kuvaranda vake vaviri, vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. Gehazi akati asvika pachikomo, akatora zvinhu kubva kuvaranda akazviisa mumba make. Akadzosa varume vaya ivo ndokuenda havo. Ipapo akapinda akandomira pamberi paErisha tenzi wake. Erisha akamubvunza akati, “Wanga uripiko Gehazi?” Gehazi akapindura akati, “Muranda wenyu haana kwaamboenda.” Asi Erisha akati kwaari, “Mweya wangu wanga usinewe here paburuka murume mungoro yake kuti azosangana newe? Ko, ino inguva yokutora mari kana kugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neyemizambiringa, namakwai, nemombe, kana varandarume navarandakadzi here? Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingaperi.” Ipapo Gehazi akabva pamberi paErisha ava namaperembudzi, achena sechando.
2 Madzimambo 5:21-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani wakati achiona munhu achimhanya achimutevera, akaburuka pangoro kuti asangane naye, akati, “Makafara henyu mose here?” Iye akati, “Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, ‘Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguo mbiri dzakanaka.’ ” Naamani akati, “Ndinokumbira kuti utore hako matarenda maviri.” Akamugombedzera, akasungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwechete nenguo mbiri dzakanaka, akazvitakudza varanda vake vaviri, vakazvitakurira pamberi pake. Zvino wakati asvika pachikomo, akazvitora pamaoko avo, akazviviga mumba, akadzosa vanhu, vakaenda havo. Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari, “Wabvepiko, Gehazi?” Iye akati, “Muranda wenyu wakanga achingova pano hake.” Iye akati kwaari, “Mwoyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguo, neminda yemiorivhi, neminda yemidzambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here. Naizvozvo maperembudzi aNaamani achakunamatira iwe navana vako nokusingaperi.” Ipapo akabuda pamberi pake ava namaperembudzi, akati mbembe sechando.
2 Madzimambo 5:21-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nokudaro Gehazi akatevera Naamani. Naamani paakaona munhu aimutevera akabva ajitika mungoro yake yehondo ondosangana naye akati, “Kwakanaka here?” Iye akati, “Zvose zvakanaka hazvo. Asi vatenzi vangu ndivo vandituma neshoko rokuti, ‘Ndasvikirwawo iyezvinouno namajaya maviri eboka ravaporofita vokunyika yaEfuremu yemakomo. Dai zvenyu mukapa ivavo zviuru zvitatu zvesirivha nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa.’ ” Naamani akati, “Tora zvako zviuru zvitanhatu zvesirivha.” Uyewo akamukurudzira, akasungira sirivha yacho mutsapo mbiri nehanzu mbiri dzamachira akanakisisa dziye akazvitakudza varanda vake vaviri. Vakazvitakura vari mberi kwaGehazi. Kuzoti asvika kugomo kuya akazvitora akaisa mumba akati varume ava vaende zvavo ndokubvawo vaenda. Akapindamo zvake akamira pana tenzi wake, Erisha akati kwaari, “Nhai Gehazi wanga uri kupiko?” Iye akapindura achiti, “Handina kwandanga ndaenda ini muranda wenyu.” Asi Erisha akati, “Tanga tisiri tose here mumweya newe padzoka murume uya mungoro yake yehondo kuzosangana newe? Ndonguva here iyoyi yokugamuchira mari nehanzu neminda yemagirepisi neminda yemivhaini nehwai nemombe navaranda vechikadzi nevechirume? Saka naizvozvo maperembudzi aNaamani atobatirira pauri iwe nezvizvarwa zvako nokusingapere.” Naizvozvo Gehazi akabuda obva paari muviri wake wati zvino mbuu kuchenuruka kunge aumburuka murota namaperembudzi.
2 Madzimambo 5:21-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naiɀoɀo Gehazi akateʋera Naamani. Ɀino Naamani wakati aciʋona munhu acimhanya acimuteʋera, akaɓuruka paŋgoro kuti asoŋgane naye, akati: Makafara henyu mose here? Iye akati: Takafara heɗu tose. Tenzi waŋgu wakandituma, aciti: Tarirai, ɀino‐ɀino majaya maʋiri, ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋakaȿika kwandiri, ʋacibva kunyika yamakomo yaEfraimi; dondipai ʋo tarenta rimŋe resirveri, neŋguʋo mbiri dzakanaka. Naamani akati: Ndinokumbira kuti utore hako matarenta maʋiri. Akamugombedzera, akasuŋgira matarenta maʋiri esirveri muhomo mbiri, pamŋe cete neŋguʋo mbiri dzakanaka, akaɀitakudza ʋaranda ʋake ʋaʋiri, ʋakaɀitakurira pamberi pake. Ɀino wakati aȿika pacikomo, akaɀitora pamaʋoko aʋo, akaɀiʋiga mumba, akadzosa ʋanhu, ʋakaenda haʋo. Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari: Wabvepiko, Gehazi? Iye akati: Muranda wenyu wakaŋga aciŋgoʋa pano hake. Iye akati kwaari: Mŋoyo waŋgu hauna‐kuenda newe here ŋguʋa iya murume acidzoka paŋgoro kuzosoŋgana newe? Ko ndiyo ŋguʋa yokugamucira mari, nokugamucira ŋguʋo, neminda yemiorivi, neminda yemizambiriŋga, namakwai nenzombe, naʋaranda naʋarandakadzi here? Naiɀoɀo maperembudzi aNaamani acakunamatira iwe naʋana ʋako nokusiŋgaperi. Ipapo akaɓuɗa pamberi pake aʋa namaperembudzi, akati mbembe secando.
2 Madzimambo 5:21-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)