Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 5:21-27

II Madzimambo 5:21-27 SUB1949

Naiɀoɀo Gehazi akateʋera Naamani. Ɀino Naamani wakati aciʋona munhu acimhanya acimuteʋera, akaɓuruka paŋgoro kuti asoŋgane naye, akati: Makafara henyu mose here? Iye akati: Takafara heɗu tose. Tenzi waŋgu wakandituma, aciti: Tarirai, ɀino‐ɀino majaya maʋiri, ʋanakomana ʋaʋaprofita, ʋakaȿika kwandiri, ʋacibva kunyika yamakomo yaEfraimi; dondipai ʋo tarenta rimŋe resirveri, neŋguʋo mbiri dzakanaka. Naamani akati: Ndinokumbira kuti utore hako matarenta maʋiri. Akamugombedzera, akasuŋgira matarenta maʋiri esirveri muhomo mbiri, pamŋe cete neŋguʋo mbiri dzakanaka, akaɀitakudza ʋaranda ʋake ʋaʋiri, ʋakaɀitakurira pamberi pake. Ɀino wakati aȿika pacikomo, akaɀitora pamaʋoko aʋo, akaɀiʋiga mumba, akadzosa ʋanhu, ʋakaenda haʋo. Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari: Wabvepiko, Gehazi? Iye akati: Muranda wenyu wakaŋga aciŋgoʋa pano hake. Iye akati kwaari: Mŋoyo waŋgu hauna‐kuenda newe here ŋguʋa iya murume acidzoka paŋgoro kuzosoŋgana newe? Ko ndiyo ŋguʋa yokugamucira mari, nokugamucira ŋguʋo, neminda yemiorivi, neminda yemizambiriŋga, namakwai nenzombe, naʋaranda naʋarandakadzi here? Naiɀoɀo maperembudzi aNaamani acakunamatira iwe naʋana ʋako nokusiŋgaperi. Ipapo akaɓuɗa pamberi pake aʋa namaperembudzi, akati mbembe secando.