2 Madzimambo 2:14
2 Madzimambo 2:14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo akatora jasi raEria rakanga rawa kubva paari akarova mvura naro akati, “Zvino Jehovha Mwari waEria aripiko?” Paakarova mvura, yakaparadzana, imwe kurudyi, imwe kuruboshwe, iye ndokubva ayambuka achienda mhiri.
2 Madzimambo 2:14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura, akati, “Jehovha Mwari waEria uripiko?” Zvino wakati arova mvura, ikaparadzaniswawo napakati, Erisha akayambuka.
2 Madzimambo 2:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akatora hanzu yakanga yadonhedzwa naEriya iya ndokurova nayo mvura achiti, “Tenzi, Mwari waEriya aripi?” Paakarova mvura iyi, mvura yacho yakabva yakamukana zvokuti imwe uku imwe uku, ndokubva Erisha ayambuka.
2 Madzimambo 2:14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
akatora jasi raEria rakaŋga rawa kwaari, akaroʋa mvura, akati: Jehova Mŋari waEria uripiko? Ɀino wakati aroʋa mvura, ikaparadzaniswa ʋo napakati, Erisha akayambuka.
2 Madzimambo 2:14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)