2 Madzimambo 13:21
2 Madzimambo 13:21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva vaIsraeri vachiviga mumwe murume, pakarepo vakaona mapoka avapambi; naizvozvo vakakanda mutumbi womunhu uyu muguva raErisha. Mutumbi wakati wagunzva mapfupa aErisha, munhu uya akamuka akamira namakumbo ake.
2 Madzimambo 13:21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mumwe musi vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabhu, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha, zvino munhu uyo wakati achigunzva mapfupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.
2 Madzimambo 13:21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino kwakati mumwe murume achindovigwa ndokuona hecho chikwata chokupamba. Vakangokanda murume uyu muguva raErisha akaenda akaguma mapfupa aErisha akabva amuka ndokumira chaizvo namakumbo ake.
2 Madzimambo 13:21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mumŋe musi ʋakati ʋaciʋiga munhu, ʋakaʋona hondo yaʋaMoabi, ʋakakandira munhu mubgiro bgaErisha; ɀino munhu uyo wakati acigunɀa mafupa aErisha, akararama ɀe, akamira namakumbo ake.