1 Timoti 1:12-16
1 Timoti 1:12-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinovonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake. Kunyange zvazvo ndaimbomhura Mwari ndiri mutambudzi nomunhu wokumanikidza, ndakaitirwa ngoni nokuti ndakazviita mukusaziva uye nomukusatenda. Nyasha zhinji dzaIshe wedu dzakadururwa pamusoro pangu, pamwe chete nokutenda norudo zviri muna Kristu Jesu. Herino shoko rezvokwadi rinofanira kutendwa kwazvo: Kristu Jesu akauya munyika kuti aponese vatadzi, ini ndiri mukuru wavo. Asi nokuda kwechikonzero ichochi ndakaitirwa ngoni kuitira kuti mandiri ini mutadzi mukuru, Kristu Jesu aratidze mwoyo murefu wake usingaperi kuti ndive muenzaniso kuna avo vachatenda kwaari uye vagowana upenyu husingaperi.

1 Timoti 1:12-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinomuvonga iye Kristu Jesu, Ishe wedu, akandipa simba, nokuti akati ndakatendeka, akandiisa pabasa rake; kunyange ini ndaiva aishonha Mwari kare, nomutambudzi ndichiitira vanhu zvakaipa; asi ndakaitirwa ngoni, nokuti ndakanga ndichizviita nokusaziva pakusatenda; asi nyasha dzaIshe wedu dzakawanda zvikuru nokutenda, norudo ruri muna Kristu Jesu. Ishoko rechokwadi, rinofanira kutendwa kwazvo, kuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi; avo ini ndiri mukuru wavo; asi naizvozvo ndakaitirwa ngoni, kuti Jesu Kristu aratidze mwoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru wavatadzi, kuti ndive chiratidzo kuna vanozotenda kwaari, zvinovaisa kuupenyu husingaperi.
1 Timoti 1:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinotenda Kristu Jesu Tenzi wedu akandipa simba rokuita izvi. Kundisarudza kwaakaita mubasa rake kuona kwaakaita kutendeka kwangu. Kunyange pakutanga ndakambomushonha ndikamutambudza ndikamutuka asi ndakaitirwa tsitsi nokuti ndakazviita mukusaziva nomukusatenda. Nyasha dzaTenzi dzakawodzvorerwa pandiri nokutenda norudo rwatinarwo muna Kristu Jesu. Ishoko rinotendeseka uye rinokodzera kunyatsogamuchirwa rokuti Kristu Jesu akauya panyika kuzoponesa vatadzi. Ini ndini mutadzi mukuru wacho. Asi ndakaitirwa tsitsi kuti mandiri somukuru mukuru wacho, Jesu Kristu aonese mwoyo murefu wake wakazara somuenzaniso kuna vakanga vachizodavira maari kuitira upenyu husingaperi.
1 Timoti 1:12-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinomuʋoŋga iye Kristu Jesu, Ishe weɗu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa paɓasa rake; kunyaŋge ini ndaiʋa mumhuri waMŋari kare, nomutambudzi ndiciitira vanhu ɀakaipa; asi ndakaitirwa ŋgoni, nokuti ndakaŋga ndiciɀiita nokusaziʋa pakusatenda; asi nyasha dzaShe weɗu dzakawanda ɀikuru nokutenda, noruɗo ruri munaKristu Jesu. Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo, kuti Kristu Jesu wakaʋuya panyika kuzoponesa ʋatadzi; aʋo, ini ndiri mukuru waʋo; asi naiɀoɀo ndakaitirwa ŋgoni, kuti Jesu Kristu aratidze mŋoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru waʋatadzi, kuti ndiʋe ciratidzo kunaʋanozotenda kwaari, ɀinoʋaisa kuʋupenyu bgusiŋgaperi.
1 Timoti 1:12-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)