Ndinomuʋoŋga iye Kristu Jesu, Ishe weɗu, wakandipa simba, nokuti wakati ndakatendeka, akandiisa paɓasa rake; kunyaŋge ini ndaiʋa mumhuri waMŋari kare, nomutambudzi ndiciitira vanhu ɀakaipa; asi ndakaitirwa ŋgoni, nokuti ndakaŋga ndiciɀiita nokusaziʋa pakusatenda; asi nyasha dzaShe weɗu dzakawanda ɀikuru nokutenda, noruɗo ruri munaKristu Jesu. Ishoko raɀokwaɗi, rinofanira kutendwa kwaɀo, kuti Kristu Jesu wakaʋuya panyika kuzoponesa ʋatadzi; aʋo, ini ndiri mukuru waʋo; asi naiɀoɀo ndakaitirwa ŋgoni, kuti Jesu Kristu aratidze mŋoyo wake wose murefu mandiri, ini mukuru waʋatadzi, kuti ndiʋe ciratidzo kunaʋanozotenda kwaari, ɀinoʋaisa kuʋupenyu bgusiŋgaperi.
Verenga chikamu I Timotio 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: I Timotio 1:12-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo