1 VaTesaronika 5:8-11 - Compare All Versions
1 VaTesaronika 5:8-11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani. Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye. Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.
1 VaTesaronika 5:8-11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi isu, zvatiri vamasikati, ngatisvinuke, takapfeka chidzitiro chechipfuva chokutenda norudo nengowani ive tariro yoruponeso. Nokuti Mwari haana kutiisira kutsamwa, asi kuti tiwane ruponeso naIshe wedu Jesu Kristu; akatifira isu, kuti, kana tichirinda, kana tichivata, tirarame pamwechete naye. Saka nyaradzanai, musimbisane, sezvamunoitawo.
1 VaTesaronika 5:8-11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvino isu zvatiri vamasikati, ngatichengetedzei hunhu hwedu tipfeke demautare rechitendero norudo uye nguwani iri chitarisiro choruponeso. Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatifira kuti kunyange tichiri kubwaira kudai kana kuti tatsinzinya tigare naye. Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino.
1 VaTesaronika 5:8-11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi isu, ɀatiri ʋamasikati, ŋgatiȿinuke, takapfeka cidzitiro cecifuʋa cokutenda noruɗo; neŋgowani iʋe tariro yoruponeso. Nokuti Mŋari haana‐kutiisira kutsamŋa, asi kuti tiwane ruponeso naShe weɗu Jesu Kristu; wakatifira isu, kuti, kana ticirinda, kana ticiʋata, tirarame pamŋe cete naye. Saka nyaradzanai, musimbisane, seɀamunoita ʋo.
1 VaTesaronika 5:8-11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)