1 Vatesaronika 5:8-11
1 Vatesaronika 5:8-11 SCLBD
Zvino isu zvatiri vamasikati, ngatichengetedzei hunhu hwedu tipfeke demautare rechitendero norudo uye nguwani iri chitarisiro choruponeso. Mwari haana kutisikira kuti azotipa nhamo asi kuti tiwane ruponeso nokuna Tenzi wedu Jesu Kristu akatifira kuti kunyange tichiri kubwaira kudai kana kuti tatsinzinya tigare naye. Nezvo kurudziranai muchiumbana sezvamuri kungoita iye zvino.

