1 VaTesaronika 5:16-28
1 VaTesaronika 5:16-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Farai nguva dzose; rambai muchinyengetera; vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. Musadzima moto woMweya; musazvidza zviprofita. Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. Regai zvakaipa zvose. Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Iye anokudanai akatendeka uye achazviita. Hama, tinyengeterereiwo. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene. Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.
1 VaTesaronika 5:16-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Farai nguva dzose. Rambai muchinyengetera. Vongai pazvinhu zvose; nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. Musadzima Mweya; musazvidza zvinoporofitwa; edzai zvinhu zvose; mubatisise zvakanaka; regai marudzi ose ezvakaipa. Mwari worugare amene ngaakuitei vatsvene kwazvo; Mweya wenyu, nomwoyo, nomuviri, zvichengetwe kwazvo, zvisina zvazvingapomerwa pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. Akatendeka ndiye anokudanai, achazviitawo. Hama dzangu, tinyengetererei. Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene. Ndinokupikirai naIshe, kuti tsamba iyi iravirwe hama dzose. Nyasha dzaIshe wedu Jesu ngadzive nemi.
1 VaTesaronika 5:16-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu. Musadzimure Mweya Mutsvene. Musashore chiporofita, asi munofanira kuongorora chokwadi chezvinhu zvose. Zvinenge zvakanaka zvibatisisei. Siyanai nouipi hupi nohupi zvahwo. Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita. Hama tinamatireiwo. Kwazisanai savanhu vemhuri nokutsvodana kutsvene. Ndinokukomeresai muzita raTenzi kuti tsamba iyi inofanira kuverengerwa vehama vose. Tenzi Jesu Kristu ngaakupei chikomborero chenyasha dzake.
1 VaTesaronika 5:16-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Farai ŋguʋa dzose. Rambai mucinyeŋgetera. Ʋoŋgai paɀinhu ɀose; nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari kwamuri munaKristu Jesu. Musadzima Mŋeya; musaɀidza ɀinoprofitwa; idzai ɀinhu ɀose; muɓatisise ɀakanaka; regai marudzi ose eɀakaipa. Mŋari worugare amene ŋgaakuitei ʋatȿene kwaɀo; Mŋeya wenyu, nomŋoyo, nomuʋiri, ɀiceŋgetwe kwaɀo, ɀisina‐ɀaɀiŋgapomerwa pakuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu. Wakatendeka ndiye unokuɗanai, ucaɀiita ʋo. Hama dzaŋgu, tinyeŋgetererei. Kwazisai hama dzose nokuȿeta kutȿene. Ndinokupikirai naShe, kuti ŋwadi iyi iraʋirwe hama dzose. Nyasha dzaShe weɗu Jesu ŋgadziʋe nemi.
1 VaTesaronika 5:16-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)