Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 Vatesaronika 5:16-28

1 Vatesaronika 5:16-28 SCLB

Farai nguva dzose. Namatai nguva dzose uye muna zvose rambai muchingotenda nokuti uku ndiko kuda kwaMwari muna Kristu Jesu. Musadzimure Mweya Mutsvene. Musashore chiporofita, asi munofanira kuongorora chokwadi chezvinhu zvose. Zvinenge zvakanaka zvibatisisei. Siyanai nouipi hupi nohupi zvahwo. Iye Mwari worugare pachake ngaakuitei vatsvene muna zvose zvamuri akuchengetei zvakanaka mutumbi wose unoti, mweya nemwoyo nomuviri zvisina chinoshoreka pazviri pakuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu. Iye anokudaidzai, akatendeka uye achazviita. Hama tinamatireiwo. Kwazisanai savanhu vemhuri nokutsvodana kutsvene. Ndinokukomeresai muzita raTenzi kuti tsamba iyi inofanira kuverengerwa vehama vose. Tenzi Jesu Kristu ngaakupei chikomborero chenyasha dzake.