1 VaTesaronika 2:10-12
1 VaTesaronika 2:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imi muri zvapupu, uye naMwariwo, kuti takanga tiri vatsvene sei, vakarurama uye vasina chavangapomerwa pakati penyu imi vanotenda. Nokuti munoziva kuti takabata mumwe nomumwe wenyu sababa vanobata vana vavo, tichikukurudzirai tichikunyaradzai uye tichikukurudzirai kuti murarame zvakafanira kuna Mwari, iye anokudanai kuumambo hwake nokukubwinya kwake.
1 VaTesaronika 2:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi muri zvapupu, naMwariwo, kuti taifamba noutsvene nokururama, tisina chatingapomerwa kwamuri, imi vanotenda. Sezvamunoziva kuti takaita nemi, mumwe nomumwe wenyu, sababa vanoita navana vavo, tichikurayirai, tichikusimbisai, tichikupupurirai, kuti mufambe zvakafanira Mwari, iye anokudanirai kuushe hwake nokubwinya kwake.
1 VaTesaronika 2:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii. Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake, ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake.
1 VaTesaronika 2:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi muri ɀapupu, naMŋari ʋo, kuti taifamba noʋutȿene nokururama, tisina‐catiŋgapomerwa kwamuri, imi ʋanotenda. Seɀamunoziʋa kuti takaita nemi, mumŋe nomumŋe wenyu, saɓaɓa ʋanoita naʋana ʋaʋo, ticikurairai, ticikusimbisai, ticikupupurirai, kuti mufambe ɀakafanira Mŋari, iye unokuɗanirai kuʋushe bgake nokubginya kwake.
1 VaTesaronika 2:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)